Accessibility links

Breaking News

Inflation Inokwira Zvakanyanya paNguva Iyo Mutengo weMafuta eDzimotokari Wakwidzwa neZERA


Mitengo yezvinhu inonzi yakwira zvakanyanya pachitariswa pagore nepamwedzi.
Mitengo yezvinhu inonzi yakwira zvakanyanya pachitariswa pagore nepamwedzi.

Kukwira kwemitengo yezvinhu pagore kana kuti year-on-year inflation mumwedzi waChikumi kwakasvika pazvikamu zana nemakumi mapfumbamwe nechimwe nezviga zvitanhatu kubva muzana, kana kuti 191.6 percent kubva pazvikamu zana nemakumi matatu nechimwe nezviga zvinomwe kubva muzana kana kuti 131.7 percent mumwedzi waChivabvu.

Inflation yepamwedzi yakakwirawo kusvika pazvikamu makumi matatu nezviga zvinomwe kubva muzana kana kuti 30.7 percent muna Chikumi kubva pazvikamu makumi maviri nechimwe muna Chivabvu.

Izvi zviri kuuyawo panguva iyo Zimbabwe Energy Regulatory Authority, ZERA, yakazivisa nezuro kuti mutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari wakwidzwa.

Dhiziri rave kutengwa nemutengo wedhora reku America nemasendi makumi masere nemasere, US$1.88 kubva padhora nemasendi makumi manomwe nematanhatu, US$1.76 parita.

Peturu yakakwirawo kubva padhora rekuAmerica nemasendi makumi manomwe nematatu, US$1.73, kuenda padhora nemasendi makumi manomwe nemanomwe, US$1.77.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa neChishanu vachitaura vari kumusangano wemadzimai ebato ravo reZanu PF, vakanga vavimbisa kuti hurumende yavo yaizozivisa neMugovera nezvematonha ayaitora ekudzikamisa inflation pamwe nekumisa kukwira kwemitengo yezvinhu.

Asi kusvika pataenda pamhepo hapana zvatanga tati tanzwa.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira,VaMasimba Kuchera vanoti kukwira kwemutengo wemafuta edzimotokari kunotoreva kuti mitengo yezvinhu icharamba ichikwira pachitariswa kuti nekunetsa kwemagetsi vemabhizimusi vanoshandisa mafuta edhiziri kuti vawane moto.

panyaya ye inflation, VaKuchera vanoti hurumende inofanirwa kugara pasi nevashandi, vemabhzimusi pamwe nevagari vemunyika vokurukura vachitsvaga nzira dzinorwisa inflation, kwete kuti hurumende inofunga kuti ndiyo chete inogona kuirwisa yoga.

Hurukuro naVaMasimba Kuchera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG