Accessibility links

Breaking News

Vanhu muAmerica Vanoenderera Mberi neKuratidzira Pamusoro peMutongo weSupreme Court Wakarasa Roe vs Wade, yaipa Kodzero yeKubvisa Pamuviri


Vanhu vachiratidzira muNew York pamusoro pemutongo wedare reSupreme Court wakapidigura mutongo weRoe v Wade.
Vanhu vachiratidzira muNew York pamusoro pemutongo wedare reSupreme Court wakapidigura mutongo weRoe v Wade.

Vamwe vanhu muAmerica vaenderera mberi nekuungana mumaguta akawanda munyika vachiratidzira pamusoro pemutongo wakapiwa neChishanu nedare repamusorosoro muAmerica reU.S. Supreme Court, uyo wakapidigura kodzero yaipiwa nemutongo weRoe vs Wade, uyo wanga uchibvumidza kubviswa kwepamuviri zviri pamutemo.

Mutongo weRoe vs Wade wakanga wakadzikwa muna Ndira 1973 nedare reSupreme Court zvakare apo rakatonga kuti bumbiro remitemo muAmerica rinochengetedza kodzero yemunhukadzi ane pamuviri kusarudza kubvisa pamuviri kana achida.

Chizvarwa cheZimbabwe vari nyanzvi mune zvehutano, VaFrenk Guni, vanoti iri idambudziko ranga ragara richiratidza kuti richaitika nekuti mutongo wemusi weChishanu uyu wakadzorera masimba kuhurumende dzematunhu, masimba ekusarudza kuti vanhu vobvumidzwa kuramba vachibvisa pamuviri zviri pamutemo here kana kuti kwete.

Asi VaGuni vanoti panga pasina mutemo chaiwo, zvinoreva kuti paramende yemuAmerica yaifanirwa kunge yakagadzika mutemo mumakore makumi mashanu ose aya waienderana nemutongo wakadzikwa muna 1973 uyu panguva yose iyi, kuitira kuti zvisazonetsa kusvika pazvasvika nhasi izvi.

Vanopikisa vebato reRepublican Party vari kutambira nemufaro mutongo uyu vachiti humhondi kubvisa pamuviri sezvo zvisina kusiyana nekuuraya munhu .

Asi vebato riri kutonga re Democratic party vari kushoropodza mutongo uyu vachiti unotyora kodzero dzemadzimai dzekusarudza zvavanoda.

Kumuzinda weWhite House, mutungamiri wenyika yeAmerica, VaJoe Biden, nezuro vakashoropodza mutongo uyu asi vachikurudzira vari kuratidzira kuti vaite murunyararo.

Hurukuro naVaFrenk Guni
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG