Accessibility links

Breaking News

Dare reSupreme Court muAmerica Rinorasa Mutemo weRoe V. Wade, Waibvumidza Kubviswa kwePamuviri Zviri paMutemo


Vanopikisa kubviswa kwepamuviri vachipembera mushure memutongo wedare reSupreme Court warasa mutemo weRoe v. Wade.
Vanopikisa kubviswa kwepamuviri vachipembera mushure memutongo wedare reSupreme Court warasa mutemo weRoe v. Wade.

Sezvanga zvakatarisirwa nevakawanda, dare repamusorosoro muAmerica re U.S. Supreme Court rarasa mutemo weRoe V. Wade wanga wave nemakore anoda kusvika makumi mashanu, uyo wanga uchibvumidza kubviswa kwepamuviri zviri pamutemo.

Mutongo uyu wasiya matunhu aine kodzero yekusarudza kuti obvumidza here kana kurambidza hurongwa hwekubviswa kwepamuviri zviri pamutemo uhwu.

Mutongo waturwa neChishanu uyu nedare repamusorosoro rine vatongi vakawanda vasingade shanduko, wauya munguva iri pasi pemwedzi miviri mushure mekuburitswa nguva isati yasvika kwegwaro remutongo uyu zviri kunze kwemutemo nerimwe sangano re nhau, izvo zvakasimudza kuratidzira nyika yose kwevanorwira kodzero dzevanoda kubvisa pamuviri.

Kumuzinda weWhite House, mutungamiri wenyika yeAmerica, VaJoe Biden, vashoropodza mutongo uyu asi vachikurudzira vari kuratidzira kuti vaite murunyararo.

“Ngatibudirane pachena, hutano nehupenyu hwevanhukadzi munyika ino hwave parumananzombe,” vadaro VaBiden. “Izuva rinosiririsa munyika.”

Vezvematongerwo enyika vatambirawo mutongo uyu nenzira dzakanangana nemapato avanotsigira.

Vebato rinopikisa reRepublican Party vatambira mutongo uyu sepfungwa yakanaka, panguva iyo vebato riri kutonga reDemocratic Party vaona mutongo uyu sekurudziro yekuti vatore matanho.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG