Accessibility links

Breaking News

Mapurisa muHarare Anoparura Chirongwa cheKudzidzisa Vechidiki Pamusoro peKuipa kweKushandisa neKunwa Zvinodhaka


Mwana wechikoro akabata chikwangwari chinoti zvinodhaka zvinouraya.
Mwana wechikoro akabata chikwangwari chinoti zvinodhaka zvinouraya.

Mapurisa emuHarare aparura chirongwa chekudzidzisa veruzhinji, zvikuru sei vechidiki, kuipa kwekunwa kana kushandisa zvinodhaka.

Vachitaura pachiitiko ichi, gurukota revechidiki rinoona nezvevechidiki, mitambo netsika muhurumende yevechidiki, Muzvare Vimbai Jukwa, vatenda hurumende nekuumba komiti yedare remakurukota iri kutungamira kurwisa dambudziko rekushandisa zvinodhaka munyika.

Vakurudzira vamwe vavo vechidiki kuti vasiyane nezvinodhaka uye kuti vakoshese dzidzo yavo.

Mumwe mupurisa ari muchikamu chekudzivirira kushandiswa zvinodhaka, Detective Sergeant Netty Kundizeza, vakurudzirawo vechidi kuti vasiyane nezvinodhaka pamwe nekumhan’ara kumapurisa kana vasangana nevanotengesa zvinodhaka zvakaita sembanje nezvimwe vachiti zvauraya remangwana nevechidiki.

Mukuru wemapurisa muHarare, Commissioner Wonder Tembo vatiwo mapurisa ari kuita zvese zvaanokwanisa kupedza dambudziko rekutengeswa nekushandiswa kwezvinodhaka muHarare.

Mapurisa aparura chirongwa ichi nhasi achichirechedza zuva reUnited Nations International Day Against Drug Abuse and Illicit Trafficking, iro rinocherechedzwa musi wa26 Chikumi pasi rese.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG