Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Vovimbisa Kuti Hurumende Yavo Iri Kuparura Hurongwa hweKudzikisa Inflation neMitengo yeZvinhu


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiriri weZanu PF, vari zvakare mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti hurumende yavo ichazivisa neMugovera matanho airi kutora ekudzikisa inflation pamwe nekumiswa kukwira kwemitengo iyo iri kuita chamurambamhuru zuva nezuva.

VaMnangagwa vataura mashoko aya pamusangano wemadzimai ebato ravo, Women’s League, muHarare.

VaMnangagwa vati zvirango zvehupfumi zvakatemerwa Zimbabwe nedzimwe nyika dzekumawirira pamwe nevamwe vemabhizimisi vanokara mari zvino pfurikidza mwero ndizvo zviri kuita kuti mitengo yezvinhu irambe ichikwira zuva nezuva.

Vati nekuda kwaizvozvo, mangwana chaiwo vachazivisa matanho avari kutora kugadzirisa nyaya iyi.

Mari yemuZimbabwe iri kuramba ichishaya simba zuva nezuva izvo zvave kuita kuti mitengo yezvinhu ikwirewo zuva nezuva zviri kuita kuti veruzhinji munyika vayaure nenhamo.

VaMnangwagwa vati hurumende yavo yakazvipira kuona kuti vanhu vawana zvese zvavanoda kuti vararame zvakanaka.

Vatiwo hurumende yavo iri kupa madzimai mikana yekuzvisimudzira mumabhizimisi, dzidzo, pamabasa pamwe nemunyaya dzematongerwo enyika.

Vatiwo kunze kwemuparamende, hurumende yavo yakawedzera zvigaro zvemadzimai mumakanzuru, vachitiwo madzimai akawanda ave nezvinzvimbo mumakomisheni pamwe nemakambani ehurumende izvo zvange zvisingaiite kare.

Mutungamiri weZanu PF vatendawo madzimai nebasa guru raakaita panguva yedenda reCovid-19 vachiti vakaita basa guru nekugadzira zvivharangozi kana kuti ma mask, pamwe nemishonga yekuuraya kutachiwana, kana kuti sanitizers.

VaMnangagwa vakurudzira madzimai kuti abatane, kushanda pamwe nekusimudzirana vachiti hurumende ichavatsigira zvakasimba.

Vatiwo apo madzimai achaita sarudzo dzekutsvaga vatungamiriri vatsva, anofanira kutevedza bumbiro remutemo webato pamwewo nekuona kuti madzimai echidiki asarudzwawo achipinda muzvigaro zvehutungamiriri.

Vachitaura pamusoro pemashoko aVaMnangagwa, mutauriri webato rinopikisa, reCitizens’ Coalition for Change, Advocate Fadzayi Mahere, vati hapana chavanotarisira kubva kuhurumende yaVaMnangagwa.

Vati zvinhu zvichanaka chete munyika kana vanhu vakavhotera shanduko gore rinouya.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanotiwo hurumende inofanira kugadzirisa nyaya dzemihoro nekushaya simba kwemari yemuno kuti vanhu vakwanise kutenga zvinhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG