Accessibility links

Breaking News

Kuramwa Mabasa kwaVanachiremba, Vakoti neVarairidzi Kunopinda muZuva reShanu Nhaurirano dzeNJNC dzichitadza Kuitwa


Vanamukoti vachiratidzira vachiramwa mabasa.
Vanamukoti vachiratidzira vachiramwa mabasa.

Kuramwa mabasa kwavanachiremba, vanamukoti pamwe nevamwe vadzidzisi
kwapinda muzuva reshanu pasina chabuda svondo rose izvo zvinonzi nevari kuramwa mabasa ava zvichaita kuti vaenderere svondo rinouya.

Izvi zviri kuuyawo panguva iyo vashandi vari kuramwa mabasa ava vari kuti vave kutyisidzirwa nevasori pamwe nemapurisa.

Munyori mukuru wesangano rinomiririra vashandi vehurumende munyika
ZimbabweConfederation of Public Sector Trade Unions, iro raimbonzi Apex Council, VaDavid Dzatsunga, vanoti nhaurirano dzemihoro dzavanga vachifanira kuita nehurumende hadzina kuzoitwa sezvo hurumende yati haikwanise.

VaDzatsunga vanoti musangano uyu wave kuzoitwa svondo rinouya neChipiri.

Izvi zvatsigirwa nemutungamiri wesangano reZimbawe Nurses Association
VaEnock Dongo, avo vaudza Studio 7 kuti hapana mumwe musangano wakaitwa
kubva neMuvhuro kunyange hazvo hurumende yakange yavimbisa kuzodzoka
kunhaurirano.

Mutungamiri werimwe sangano rinomiririra vadzidzisi, reProgressive
Teachers Union of Zimbabwe - PTUZ, VaTakavafira Zhou, vanoti vadzidzisi
vacharamba vachitsigira vanachiremba navanamukoti mukuramwa mabasa.


VaZhou vanoti vari kuita misangano neMugovera uye neSvondo munyika yose
nevadzidzisi kuona kuti vangawedzere sei huwandu hwevadzidzisi vari
kuramwa mabasa.

Asi VaZhou vanoti vadzidzisi vakawanda vachabatana nevamwe
mukuratidzira sezvo twumari twavakapihwa svondo rapera twapera.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi asi gurukota
rezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, vakamboudza Studio 7 kuti vakagadzirira kuita hurukuro nevarairidzi nevamwe vashandi nezvenyaya yemari
dzavanotambiriswa, vachitenda kuti zvinhu zvaoma nekudhura kwezvinhu.

Svondo rapera vamiriri vevashandi vehurumende nevamiriri vehurumende vakakundikana kuwirirana mushure mekunge vashandi vakaramba zvikamu zana kubva muzana zvekuwedzera mihoro yavo zvakanga zvauya nehurumende.

Izvi zvakazoita kuti vamiriri vehurumende vambokumbire nguva yekudzokera kuvakuru vavo, paine tarisiro yekusangana zvakare neChishanu.

Vashandi vanonzi vari kuda kuti mushandi wepasi ari mu Grade B1 atambiriswe madhora eku America anoita mazana masere nemakumi mana kana kuti US$840.00 pamwedzi, iyo vanoti ndiyo iri kuenderana nemamiriro ezvinhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG