Accessibility links

Breaking News

Bato reCCC kuMasvingo Ropomera Zanu PF Mhosva yeKumanikidza Masabhuku Kutinha Vanhu Kunovhota muSarudzo yeBy-Election kuWard 21


Nhengo dzebato reZanu PF

Bato Rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, CCC, riri kupomera bato reZanu PF mhosva yekumanikidza masabhuku kuti atungamirire vanhu vavo kundovhotera bato riri kutonga iri musarudzo ye by election iri kuitwa ku Ward 21 kuMasvingo West neMugovera.

Bato reCCC, iro riri kumirirwa naVaOnias Mawarire, richange richitatsurana neZanu PF, iyo inenge ichimiririrwawo naVaChenjerai Mumbire.

Mamwe mapato anopikisa akaita seMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora, akatadza kupinda musarudzo idzi zvakasiya makwikwi ari pakati pe Zanu PF neCitizens’ Coalition for Change chete.

Vatsigiri veCCC mu Ward iyi vanoti vechidiki veZanu PF pamwe nevatungamiriri vavo vaitenderera svondo rino mumaruwa vachiudza sabhuku wega wega kuti aende nevanhu vake kusarudzo iyi vachiti anenge aramba vaizoona zvekuita naye.

Vechidiki ava vanonzi vaivimbisa kuti bato ravo rine mazita evanhu vose vari mumabhuku uye munzvimbo dzekuvhotera nekudaro vakakundwa kucharohwa vanhu uye kunyimwa chikafu cherubatsiro rwunopiwa.

Vari kumirira CCC musarudzo iyi, VaMawarire, vaudza Studio 7 kuti bato rinotonga reZanu PF rakaudza masabhuku kuti vadzinge avo vanenge vasina kurivhotera kana rakangokundwa musarudzo.

Mumwe mutsigiri weCCC, VaGift Mapondera, vanoti nekuda kwezvirikuitwa neZanu PF kumasabhuku vamwe vatsigiri vave kutotya kuzodzingwa mumabhuku kana kurohwa nekudaro vachatopedzisira vavhotera bato ravasingadi.

Vanoti nyaya dzekutyisidzirwa idzi dzakawedzera svondo rino sezvo zuva resarudzo raswedera, asi vanoti uku kutyora kodzero dzevanhu.

Vemasangano anorwira kodzero dzevanhu muMasvingo vanoti kushandiswa kuri kuitwa madzishe nemadzimambo nebato rinotonga kutyora mutemo nekuti bumbiro remutemo wenyika haribvumidzi kuti madzishe nemasabhuku vaite zvematongerwe enyika.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kumadzishe ari munzvimbo iri kuitirwa sarudzo iyi, kanawo mutungamiri wemadzishe munyika VaFortune Charumbira.

Asi sachigaro veZanu PF mudunhu reMasvingo, VaRobson Mavhenyengwa, vati ivo vanoshanda nemadzishe asi havavamanikidzi kuvhotera bato ravo uye vanotarisira kukunda zvine mutsindo musarudzo yamangwana iyi.

Asi munyori anopona nezvesarudzo muMasvingo mubato reCCC, VaGodfrey Madzikanda, vati Zanu PF yave kusimbirira kumanikidza masabhuku nekuti inoziva kuti vanhu havachaidi. Vati vanotarisira kukunda musarudzo iyi kunyange vanhu vakatyisidzirwa nekuvimbiswa kunyimwa chikafu munguva yenzara.

Sarudzo ye by-election iyi iri kuitwa mushure mekushaya kwevaiva kanzura we Ward 21 VaTinago Mupinga, vaive vebato reZanu PF, muna Kurume gore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG