Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yoti Haina Kana Shungu dzeKudzokera muGungano reCommonwealth, Chero Hazvo Chikumbiro Chiri Kuzeiwa neCHOGM kuRwanda


Vatungamiri venyika nedzihurumende vari kupinda musangano weCommonwealth Heads of Government Meeting (CHOGM) wavhurwa neChishanu, Chikumi 24, 2022 muKigali, Rwanda.
Vatungamiri venyika nedzihurumende vari kupinda musangano weCommonwealth Heads of Government Meeting (CHOGM) wavhurwa neChishanu, Chikumi 24, 2022 muKigali, Rwanda.

Hurumende ye Zimbabwe inoti haina shungu dzekudzokera mumubatanidzwa wenyika dzaimbove pasi pehutongo hweBritain, weCommonwealth, chero hazvo chikumbiro chayakamboita chekuti idzoserwe mugungano iri chiri kuzeiwa kumusangano wevatungamiri venyika dziri mugungano iri, weCommonwealth Heads of Government Meeting (CHOGM) uri kuitirwa kuKigali, guta guru reRwanda.

vachinyora padandemutande reTwitter, mutauriri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, VaGeorge Charamba, vati Zimbabwe haina kutora matanho ekuramba ichikumbira kuti idzoserwe mumubatanidzwa uyu, uyo wavakasiya muna 2003, panguva yechirongwa chekutorwa kweminda che “Land Reform Program,” kunyange hazvo Zimbabwe yakanga yambomiswa nezvikonzero zvekutyorwa kwekodzero dzevanhu pamwe nekusatevedzerwa kwemutemo.

VaCharamba vati kune dzimwe nyika kusanganisira Britain dzinoshuvira kuti dai Zimbabwe yadzoserwa mumubatanidzwa uyu.

Kunyange hazvo Zimbabwe iri kuti haisi kuzodzokera mumubatanidzwa uyu, yakamirirwa kumusangano uyu nemumiriri wayo kuRwanda, Amai Charity Manyeruke.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava, munyori mukuru mubazi ravo VaJames Manzou kanawo VaCharamba kuti tinzwe zvizhinji.

Musangano weCHOGM uri watanga neChishanu a uye uri kutarisa nyaya dzinosanganisira kushanduka kwemamiriro ekunze, matenda, pamwe nematambudziko akakonzerwa neCovid-19.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, vari mukuru wesangano reAction Aid, VaJoy Mabhenge, vanoti dzinongovawo shungu zvadzo dzeZimbabwe kuda kudzokera mumubatanidzwa weCommonwealth asi havaoni ichibudirira nekuti haisati yagadzirisa zvikwanisiro zvinodiwa nesangano iri kuti iwadzane nedzimwe nyika dziri mumubatanidzwa uyu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG