Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inonzi Iri Kushandisa Mutemo weVanopfurikidza Mwero Kumbunyikidza Masangano Akazvimirira 


VaEmmerson Mnangagwa 
VaEmmerson Mnangagwa 

Sangano reCrisis in Zimbabwe ranyora tsamba kumukuru wesangano reFinancial Action Task Force (FATF), VaDavid Lewis richivakoka kuti vauye kuzoongorora zviri kuitwa nehurumende yeZimbabwe inonzi yave kutyora chisungo chenyika dzepasi rino chekushandiswa nevanopfurikidza mwero kuwana mari kana kuti money laundering, kumbunyikidza masangano akazvimirira oga.

Crisis in Zimbabwe Coalition mubatanidzwa wemasangano akazvimirira oga mazana matatu nemakumi mashanu

Sangano reFATF rakaumbwa nenyika dzakabudirira kuona kuti zvikwata zvakaita seISIS, Al Qaida nezvimwe hazviwane mari.

Nyika dzinotarisirwa kudzika mitemo yekuona kuti izvi hazviitwe uye Zimbabwe yakatonzi yaita zvinodiwa.

Asi hurumende iri kuenderera mberi nekuvandudza mutemo une chekuita nemasangano akazvimirira oga wePrivate Organization Voluntary Act ichiti iri kuda kuzadzikisa zviga zveFAFT.

Gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi negurukota rinoona nezvevashandi nemagariro evanhu VaPaul Mavima vakatumirwao tsamba yeCrisis in Zimbabwe Coalition iyi.

VaZiyambi vakaudza Studio 7 kuti chinangwa chekuvandudza mutemo kuda kuzadzikisa zviga zveFATF.

VaMavima vange vasati vapindura mubvunzo watavatumira nezvenyaya iyi.

Asi sachigaro weCrisis in Zimbabwe Coaliion VaPeter Mutasa vaudza Studio 7 kuti mutemo ukavandudzwa, masangano akazvimirira oga akawanda achavharwa.

Vati zviri pachena kuti bato reZANU-PF riri kuda kutonga kusvika madhongi amera nyanga kana kuti one party state.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG