Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vokurudzirwa Kuyeukawo Shirikadzi


YOLK AFRICA -INTERNATIONAL WIDOWS'S DAY -Dr Devine Ndukula,Dudu Manhenga,Arther Marara,Victor Kunonga, Mary Anibal, DJ Yayos
YOLK AFRICA -INTERNATIONAL WIDOWS'S DAY -Dr Devine Ndukula,Dudu Manhenga,Arther Marara,Victor Kunonga, Mary Anibal, DJ Yayos

Musi wa22 Chikumi gore roga roga, Zimbabwe inobatana nedzimwe nyika kucherechedza Zuva reShirikadzi kana kuti International Widows’ Day. Sangano reUnited Nations ndiro rakatara zuva iri senzira yekuti vanhu varangarirewo shirikadzi nematambudziko adzinosangana nawo muhupenyu.

Sekucherechedza zuva iri, sangano re YOLK AFRICA, rakaunganidza vanhu vanobva kumativi nemapoka akasiyana siyana nechinangwa chekutaura nezvematambudziko anosangana neshirikadzi munyika. Hurongwa uhu hwakaitirwa kuBelevedere muHarare.

Dingindira regore rino range rakanangana nekusimudzira mabasa anoitwa neshirikadzi mukurarama, rmungave munyaya dzemabhizinesi, mubato wemaoko, mudzidzo, zvematongerwo enyika, zvemimhanzi, zvemitambo kana zvechitendero.

Mukuru we sangano reYOLK AFRICA mu Zimbabwe VaClarence Mashvave vanoti zuva iri rakakosha zvikuru kuti vapemberere nekukurudzira shirikadzi dziri munyika pamusoro pemabasa makuru adzinobata mushure mekufirwa.

Muimbi ane mukurumbira , Dudu Manhenga akataurawo nekufadza veruzhinji pagungano iri.

Mumwe wevakataura pagungano iri, munyori wenhetembo nenziyo vanoshanda nemasangano evechidiki mukurudziro yezvetsika nemagariro, vari kutarisirwa kutaura muzuva iri. VaVictor Kunonga vanoti haisi nyore kukudza mhuri pasina baba, saka izvozvo zvofanira kutendwa.

Nyanduri , vari mukuru wekambani ye GUMIGURU, VaSimbarashe Nyamadzawo vanoti I zuva iri rakavakoshera zvikuru semunnhu akarerwa neshirikadzi.

Vachipendera, VaMashavave vanoti vane zvirongwa zvakawanda zvanoita kubva mugore ra 2013 mukushanda neshirikadzi.

Muzuva rekucherechedza shirikadzi iri, vanhu vese vanenge vachikurudzirwa kuti vayeukewo shirikadzi nekudzibatsira mumatambudziko adzinosangana nawo muhupenyu.

Sangano reUnited Nations rinoti shirikadzi dzinosarurwa muzvinhu zvakawanda uye kudzvanyirirwa nedzimwe tsika dzechivanhu nedzezvitendero dzinovatadzisa kurarama zvakanaka panyika. Dzimwewo shirikadzi dzinoti dzinotorerwa midziyo yemumusha kana varume vafa zvinopa kutambura kuvana vasara.

Nyaya Ina Evans Zininga
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG