Accessibility links

Breaking News

VaFredderick Mashate Vorodza Pfungwa Pasi peChirongwa cheMandela Washington Fellowship muAmerica


Frederick Mashate -2022 YALI
Frederick Mashate -2022 YALI

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe VaFredderick Mashate vanoti vari kufara kunge vari pakati pevechidiki vemuZimbabwe vakasarudzwa mukupinda muchirongwa cheMandela Washington Fellowship chekusimudzira vechidiki vemuAfrica.

VaMashate vari kuita zvidzidzo zvavo pachikoro chepamusoro soro cheNebraska kuLincoln. VaMashate vanoita zvekurwira kodzero dzevanhu.

Vaudza Studio 7 kuti shungu dzavo ndedzekuti vagone kudzokera kumusha vachizonoshandisa zvavanenge vadzidza kuno ku America kusimudzira vamwe vechidiki.

Vanoti munhu nemunhu ngaagone kushandisa chipo chake kusimudzira hupenyu hwake nehwenyika yese nepese paanogona napo.

Chirongwa chemandela Washington Fellowship chinoitwa nehurumende yeAmerica chichinziwo Young African Leaders Initiative (YALI).

YALI chirongwa chakaparurwa muna 2010 nevaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaBarack Obama.

Chakazotanga kunzi Mandela Washington Fellowship muna 2014 uye chakwanisa kuunza kuAmerica vechidiki vanodarika zviuru zvishanu kuzodzidzira mabasa akasiyana siyna muzvikoro zvepamusoro soro.

Vanokwanisa kupinda muchirongwa ichi vari pamakore ari pakati pemakumi maviri nemashanu nemakumi matatu nemashanu.

Hurukuro NaVaFreddy Mashate
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG