Accessibility links

Breaking News

Chizvarwa cheZimbabwe, Dr. Nzuzu, Vobatsira Vane Dambudziko reZvinodhaka Vari muAmerica


Bhuku, How to Stay Sober, rakanyorwa naDoctor Emmanuel Nzuzu
Bhuku, How to Stay Sober, rakanyorwa naDoctor Emmanuel Nzuzu

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuJacksonville mudunhu reFlorida muAmerica, Doctor Emmanuel Nzuzu, vari kubatsira zvakanyanya vanhu vane matambudziko ekutadza kusiya zvinodhaka zvinosanganisira doro.

Doctor Nzuzu vave nemakore anodarika gumi nemanomwe vachiita basa rekudzidzisa vane matambudziko ezvinodhaka kuburikidza nekushanda muzvipatara zvakasiyanasiyana pamwe kuvhurawo dandemutande ravo https://www.howtostaysober.info apo vanhu vanogona kuenda vachiwana zvidzidzo zvekuti vakwanise kusiya zvinodhaka.

Kuburikidza nehunyanvzi hwavo uhwu, Doctor Nzuzu, avo vakaberekerwa kuChipinge vakazoenda kuAmerica muna 2003, vakanyorawo bhuku ravo rakanangana nekubatsira vanenge vaine matambudziko aya, rinonzi “How to Stay Sober”.

Kunze kwekubatsira vanoe dambudziko rekutadza kusiya zvinodhakwa, vanobatsirawo zvakare vana veZimbabwe vari muAmerica vanoda kutenga kana kutengesa dzimba.

Kumusha, Doctor Nzuzu vanoti vari kubatsirawo vana vane chitsama vavari kubhadharira mari dzechikoro, vachiti vamwe vavena ava vatove kuzvikoro zvepamusorosoro.

DIASPORA PROFILE-NZUZU-SHO-JONGA 22 JUNE 2022 (FINAL).wav
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG