Accessibility links

Breaking News

Mahofisi eMauto, Mapurisa neVamwe Ovharwa Mvura KuMasvingo neNyaya yeZvikwereti


Zimbabwe National Army
Zimbabwe National Army

Kanzuru yeMasvingo yakatanga chirongwa chekuvharira vemabhizimusi nemapazi ehurumende mvura pakati pedhorobha kuti vabhadhare zvikwereti zvavo zvakakura, Godfrey Mtimba anotipa nyaya inotevera.

Izvi hazvina kutambirwa zvakanaka nevanoshandira mudhorobha vachiti zvinogona kukonzera kupararira kwezvirwere zvakaita secholera netyphoid mudhorobha sezvo zvivakwa zviri kuvharirwa mvura zvichishandira vanhu vakawandisa.

Meya weguta reMasvingo VaCollen Maboke vati vari kuvhara mvura nekuti mapazi ehurumende nevemabhizimusi ndivo vane zvikwereti zvakakura.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinomirira vagari reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance kana kuti MURRA, Muzvare Rumbidzai Magurupira, vati kunyange hazvo vasinga kurudziri kusabhadharwa kwemvura nani zvake, kuvhara mvura pakati peguta kunogona kukonzera zvirwere uye kutyora kodzero dzevanhu.

Kanzuru yeMasvingo inoti mapazi ehurumende nevemabhizimusi vane zvikwereti zvinoda kusvika mazana maviri nemakumi manomwe emadhora emunyika kana kuti $270 000.

Mapazi ehurumende anezvikwereti zvikuru anosanganisira, mauto, mapurisa pamwe nezvipatara.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa.

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG