Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHupfumi Dzopa Maonero Adzo paDanho reRBZ reKupindira muKutarwa kweMutengo weChingwa


RBZ inoti iri kupindira senzira yekudzikamisa mutengo wechingwa.
RBZ inoti iri kupindira senzira yekudzikamisa mutengo wechingwa.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti danho rakaziviswa negavhuna vebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) neMuvhuro rekuti vakagara pasi nevanobika chingwa kuitira kutsvaga nzira dzekudzikamisa mutengo wechingwa rakanaka chose kana rakatevedzerwa sezvinenge zvawiriranwa.

Asi dzimwe nyanzvi dzinoti danho iri rinogona kuonekwa sekunge hurumende iri kupindira mukufambiswa kwemabhizimusi munyika, izvo zvinogona kutyisidziri vanenge vachida kusima mari dzavo kana kutanga makambani munyika.

VaMangudya, vakazivisa kuti bhanga ravo richawanisa makambani evanobika chingwa mari yekunze yavanoda kushandisa mukutenga zvekugadzirisa chingwa kuburikidza nemusika wavo wemari yekunze unoitwa svondo roga roga kuitira kuti vakwanise kutenga zvavanoda vasingazokwidzi mutengo wechingwa.

Nyanzvi mune zvehupfumi nekudyidzana kwenyika dzapasi rose, vari zvakare mudzidzisi mukuru wezvemabhizimusi paDevry University muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvakanaka kuti hurumende iite nhaurirano nevanobika chingwa kuitira kudzikamisa mutengo, asi dambudziko riri pakuzoona kuti zviwirirano izvi zvashanda here?

Izvi zvinotsinhirwa neimwe nyanzvi mune zvehupfumi, Doctor Charles Mutasa, avo vanoti chakatanga ndochakachenjedza, vachiti hurumende yakambotora matanho akadai asi akatadza kubudirira.

Munyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti sevashandi vanenge vachida kunzwa kuti vemakambani anobika chingwa ava vari kuwirirana nazvo here zviri kuda kuitwa nehurumende?

Ko ivo vanobika chingwa vari kuti kudii nehurongwa uhwu? Mutungamiri weNational Bakers Association of Zimbabwe, VaWellington Peyama, vanoti sevabiki vechingwa vanotambira nemufaro danho rehurumende rekuda kuvabatsira kudzikamisa mutengo wechingwa,

Asi VaPeyama vanoti dambudziko rinozouya kana vakatadza kuwaniswa mari yekunze yavanenge vavimbiswa nehurumende, izvo zvinozoita kuti vadzokere kunoitsvaga pamusika mutema pavanoiwana nemari iri pamusoro.

Muzvinafundo Masocha vanodzoka vachiyambira kuti danho rakadai rinogona kunetsa sezvo richizoonekwa sekunge hurumende iri kupindira mukufambiswa kwemabhizimusi, izvo zvinogona kuzoita kuti vekunze vanoda kupinda munyika kunotanga mabhizimusi kana kudyara mari dzavo vatye kuita izvi.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi, Vamasimba Kuchera, vanoti dambudziko guru nderekuramba dhora remunyika richishaya simba.

Pari zvino mutengo werofu rechingwa uri pakati pemadhora emunyika mazana matanhatu nemakumi mashanu uchiendakuda kunosvika kumadhora zviuru.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti kunze kwekunge hurumende yapindira mumapoka ose ane chekuita nekubikwa pamwe nekufambiswa kwechingwa kusvika chave muchitoro, havaoni mutengo wechingwa uchizodzikiswa kusvika pakuenzaniswa nemutengo wedhora rekuAmerica unenge uri pamusika wemari wehurumende zuvaro.

Vanoti vanotakura chingwa vanenge vachichemawo nekudhura kwemafuta ekufambisa dzimotokari izvo zvinozoita kuti mutengo wechingwa urambe uri pamusoro.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG