Accessibility links

Breaking News

Vanachiremba, Vakoti neVadzidzisi Votanga Kuramwa Mabasa


Vanachiremba, vakoti nevamwe vashandi vemuzvipatara munyika yose vatanga kuramwa mabasa nhasi vachinyunyuta nemari dzavari kutambiriswa uye vachiti Health Services Board inofanira kutarisa zvichemo yange yave nemwedzi inodarika gore ichiramba kuita hurukuro navo.

Asi mushure mekunge vashandi vazivisa kuti vave kukanda mapadza pasi, HSB yabva yavadaidza kumusangano nhasi.

Mutungamiri wesangano reZimbawe Nurses Association VaEnoch Dongo vaudza Studio 7 kuti vapinda mumusangano uyu vakapa hurumende zvichemo zvavo. Vati kuratidzira kuri kuenderera mberi kusvika vanzwa kubva kunhengo dzavo kuti votora danho ripi.

Hatina kukwanisa kubata sachigaro weHealth Services Board Dr Paulinus Sikosana kuti tinzwewo divi ravo uye havasati vapindura mubvunzo watakavatumira svondo rapera.

Vamwe vakoti, vanachiremba nevashandi vemuzvipatara vaunga paChipatara cheParirenyatwa nhasi ndokutanga kuratidzira.

Kuzvipatara zvikuru zvakaita seParirenyatwa neSally Mugabe muHarare varwere vange vachidzoserwa kumba nekuramwa basa kuri kuitika uku. KuMpilo kunonzi hako vashoma ndivo varamwa mabasa asi vachiti vachakurudzira vasina kutambira kurudiro iyi kuti vatange kuita izvi.

Pachipatara chikuru chemuMashonaland West, varwere vakawanda vadzoserwa kumba vasina kurapwa.

Mumwe adzoserwa kumba nhasi ndiAmai Christina Neuso avo vanga vauya nemwana wavo anga achirwara.

Mumwe murwere anoda kuzivikanwa saMuzvare Fatima avo vanga vasingagone kufamba

nekurwara nemudumbu vanoti vatadza kurapwa zvichinziwo vanamukoti havasi pabasa.

Muzvare Fatima vanoti vavekudzokera kuchipatara chekuKaroi uko kwavakabva mushure mekurwarisa.

Munyori weZimbabwe Nurses Association -ZINA- mudunhu reMashonaland West Amai Memory Mapepa vanoti vakoti havasi kuzoenda kumabasa nekuti havana mari kana yekufambisa yacho

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakazivisa kuti vashandi vaizowedzerwa mari zvakapetwa kaviri kana kuti 100% asi vashandi vanoti hazvibatsire nekuti mari yemunyika yavari kutambiriswa iri kuramba ichishaya simba. Asi VaNcube vakaudzawo dare reparamende svondo rapera kuti havasi kuzopa vashandi mari nemadhora ekuAmerica sezvavari kuda.

Mune imwewo nyaya vadzidzisi avo avo vange vavimbisawo kutanga kuramwa mabasa nhasi vanoti hurongwa uhu hauna kuzonyatsobudirira.

Zvinodzi chidimu makumi mashanu kubva muzana chevarairidzi hachina kuenda kubasa. Mutungamiri werimwe sangano rinomiririra vadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe - PTUZ- VaTakavafira Zhou vanoti hurongwa hwekuratidzira hauna kubudirira sezvavanga vachitarisira nekuda kwekusabatana kwemasangano aya.

VaZhou vanoti dambudziko guru ndere kuti hurumende haina hanya nevadzidzisi pamwe nevana vechikiro.

Gurukota rezvevashandi VaPaul Mavima vakaudza Studio 7 kuti vakagadzirira kuita hurukuro nevarairidzi nevamwe vashandi nezvenyaya yemari dzavanotambiriswa vachitenda kuti zvinhu zvaoma nekudhura kwezvinhu.

Vadzidzisi vanoti vanofanirwa kupihwa mari inosvika madhora mazana mashanu nemakumi mana ekuAmerica kuti vakwanise kurarama vasingapemhi.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG