Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voradzika VaBhebhe Vachishora Vanopikisa


Gamba renyika, Major-General (Rtd) Sydney Bhebhe, avo vakashaya neMuvhuro wapfuura varadzikwa kuNational Heroes Acre mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vachisvora mapato anopikisa nekuita mhirizhonga kuNyatsime zvichetevera kupambwa nekupondwa kwaMuzvare Moreblessing Ali uye hurumende yavo haisi kuzopeta maoko mhirizhonga ichiendereramberi.

Asi mamwe mapato anopikisa nemasangano anoshanda akazvimirira anoti anoda runyararo uye bato raVaMnangagwa, reZanu PF ndiri rinoita zvemhirizhonga.

VaMnangagwa vati vari kushushikana nemamwe mapato anopikisa, avasina kudoma, avati ari kutaura manyepo pamwe nekurudzira mhirizhonga neruvengo munyika uye vati hurumende yavo haisi kuzoregerera izvi zvichenderera mberi.

Vati Zimbabwe inyika ine runyararo rwakaunzwa nemagamba akaita saVaBhebhe uye vese vari kukonzera mhirizhongwa vacharangwa nemutemo.

Vachitaura nezvekaitika kuNyatsime svondo rapfuura apo dzimba nemidziyo yedzimwe nhengo dzebato ravo dzakapiswa nekuparadzwa zvichitevera kupondwa kwenhengo yebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change Muzvare Ali, vashora zvavanoti zvakaitwa nevanopikisa.

Asi havana kutaura havo nezvemhirizhonga iri kunzi yakakonzerwa nevatsigiri vavo vakadzinga pamba mhuri yaMuzvare Ali uye vanopikisa vaivachema.

VaMnangagwa vati mhirizhonga iyi haifaniri kuitika zvekare. Vati vanoziva kuti izvi zvinogaroitwa nemapato anopikisa nechingwa chekusvibisa nyika pamusoro pemisangano yakakosha.

Vatiwo havasi kuzorega chimiro chenyika chichisvibiswa nehupenyu hwevanhu huchipinzwa munjodzi nevanhu vanopihwa mari yakasviba kuparadza nyika yavo.

Vati sezvo nyika yatarisana nesarudzo dza2023, kukwikwidzana kwemapato hakufaniri kukonzera mhirizhonga vachiti vanhu vese munyika vanofanira kuremekedza magamba akarwira nyika ino kuti ive nerunyararo.

VaMnangagwa vavimbisa mufi kuti ivo nemamwe magamba asara vacharamba vachishanda kuti nyika ive nerunyararao uye kuti vanhu vabatane.

VaBhebhe avo vange vave nemakore makumi matanhatu nerimwe vasiya mudzimai nevana vatatu. Mutungamiri wenyika ashorawo nyaya iri kutenderera pamadandemutande yekuti hurumende yerusarura munguva yeRhodesia yaIan Smith yaive nani pana ivo VaMnangagwa nemhuri yavo. VaMnangagwa vati izvi zviri kutaurwa nevechidiki vasingazive kuipa kwakaita zvinhu munguva yeRhodesia.

Vakafanobata chinzvimbo chechemutevedzeri wemutauriri webato reCitizens Coaliton for Change Ostallos Siziba, vaudza Studio 7 kuti bato ravo ririkushanda murunyararo kuti riunze shanduko munyika vachiti bato raVaMnangagwa ndiro ririkukonzera mhirizhonga munyika.

Mukuru wesangano remubatanidzwa wemasangano anorwira kodzero dzevanhu munyika, reZimbabwe Human Rights NGO, Dr Musa Kika, vashora mhirizhonga yakaitika kuNyatsime svondo rapfuura vakatiwo kukandirana makobvu nematete pakati peZanu PF neCCC hakuna zvakunobatsira pakupedza mhirizhonga iyi.

Kunyangwe vanopikisa vari kuti nhengo dzeZanu-PF ndidzo dzakatanga kuvarwisa, mapurisa akasunga nhengo dzeCCC, VaJob Sikhala vanomirira Zengeza West naVaGodfrey Sithole vanomirira Chitungwiza North mudare reparamende vachipomerwamhosva yekukonzera mhirizhonga.

Dare rati richapa mutongo waro wekuti vapihwe mukana wekubvisa mari yechibatiso here kana kuti kwete musi weChitatu.

Ari kupomerwa mhosva yekuponda Muzvare Ali, Pius Jamba akamiswa pamberi pedare neMugovera akanzi adzoke kudare musi wa 1 mwedzi unotever

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

a.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG