Accessibility links

Breaking News

Kuwedzerwa kweMari dzeZvipatara neKuoma kweHupenyu Kwoisa Hupenyu hweVane Husope Munjodzi


Vanhu vakawanda vane husope vanoti hupenyu huchatonyanya kuvaomera zvichitevera kuwedzerwa kwemari dzezvipatara uye kuoma kwoita hupenyu sezvo vamwe vavo vachirarama netsiye nyoro kubva kune vanobatsira. Mari dzezvipatara dzakawedzerwa nemari inodarika zvikamu chiuru chimwe chete nemazana manomwe nemakumi mana nemasere kubva muzana kana kuyi 1748%. Vane husopo vagarawo vaine dambudziko rekusarurwa muhupenyu zvikuru pamabasa zvinopa kuti kunyangwe vaine magwaro akakwana vagume vopemha.

Mukuru wesangano revane husope reAlbinism Initiative Muzvare Gamuchirai Uzande vanoti mamiriro ehupfumi hwenyika asiya nhengo dzavo dziri panguva yakaoma sezvo dzichida mafuta ekuzora nguva dzose kana kuti sunscreen lotion kuti dzisaitw zvirwere zvegomarara nekuda kwezuva kana kukanganisika ganda.

Muzvare Uzande vanoti vane husope vari kusarurwa zvakanyanya pangave pamabasa, mudzimba uye vanoshungurudzwawo zvakanyanya.

Mukuru Albino Trust of Zimbabwe, rimwe sangano rinorwira kodzero dzevane husope, VaBrian Nyoni, vakurudzira nhengo dzavo kuti dzigare dzakapfeka zvinhu zvinodzivirira kutsva nezuva sezvo mafuta eSunsceen lotion ave kudhura.

VaNyoni vakurudzira gurukota rezvemari VaMthuli Ncube kuti varangarirewo vanorarama nehusope pabhajeti regore rinouya ravachaparura muna Zvita. Vanoti vanoda kuti nyaya yemitero pamafuta avanoshandiswa itarisiswe sezvo vamwe vavo vave kufa nechirwere chegomarara repaganda chinokwanisa kudzivirirwa.

VaNyoni vakurudzirawo vanyori nevapepeti venhau kuti vabatsire pakujekesa nyaya dzehutano dzirikushungurudza mapoka akasiyana siyana evanhu kuitira kuti hurumendende inzwisise zvirikuitika muvanhu.

Nyanzvi dzezvehutano idzo dzakataura neStudio 7 dzinoti vanhu vanorarama nehusope vanosangana nematambudziko akawanda zvikuru emaziso asingaone zvakanaka, maronda avanoita paganda ravo uye nemazino avo anokurumidza kuora.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvehutano asi ongororo yakaitwa neZimbabwe Albino Association inoti vane husope vari kufa zvakanyanya nemagomarara epaganda nokuti vakawanda vavo vari kushaya mafuta anodiwa kuchengetedza ganda kubva kuzuva. Sangano iri riri kukurudzira paramende kuti idzike mutemo wekuti hurumende ipe mafuta pachena kune vane husope. Vane husope vanokurudzirwawo kuti vapfeke hembe refu dzinovhara maoko nemakumbo uye nguwano. Kumusha vabereki vanokurudzirwa kuti vasavaendese kunofudza mombe kana kuchipisa.

Ongororo yakaitwa muZimbabwe muna yakaratidza kuti munyika maive nevanhu zviuru makumi masere vane husope.

Sangano reWorld Health Organisation rinotiwo munhu mumwe chete kubva pazviuru zvishanu zvevanhu, kuchamhembe kweAfrica, anorarama nehusope.

Mune dzimwe nyika dzemuAfrica dzakaita seMalawi neTanzania, vanorarama nehusope vanombourayiwa nevanhu vasingazive vanofunga kuti nhengo dzemuviri wavo dzinovapa raki. Hakuna hako mhondi idzi muZimbabwe kunayngwe vane husope vachisarurwa zvakanyanya.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG