Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Obvuma Kuita Misangano neMasangano eVatori Venhau seNzira yeKudzivirira Kushungurudzwa kweVatori veNhau Pavanoita Basa Ravo


Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi.
Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi.

Mukuru wemapurisa munyika, Commissioner General Godwin Matanga, vakabvuma kuti bazi remapurisa rekuburitswa kwemashoko pamwe nemasangano anomirira vatori venhau vaiite misangano nevakuru-vakuru vemapurisa mumamatunhu makuru nematunhu madiki ose emunyika senzira yekudzivirira kushungurudzwa nekusungwa kwevatori venhau vari pabasa sezvo nyika yatarisana nesarudzo dza2023.

Izvi zvaziviswa nhasi nemutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, pamhemberero dzekucherechedza zuva rekutapwa kwenhau kwakasununguka pasi rose, reWorld Press Freedom Day, idzo dzaitwa muHarare nesangano reMedia Institute of Southern Africa-Zimbabwe, Harare Chapter.

VaNyathi vati mapurisa munyika anofara nebasa rinoitwa nevatori venhau munyika uye anoda kushanda zvakanaka nekusimbisa hukama hwavo nevatori venhau.

Asi vatapi venhau vapinda muchiitiko chanhasi varatidza kusafara nemabatirwo avanoti avari kuitwa pamwe nekusungwa kwavanoitwa nemapurisa uye VaNyathi vati vanoziva kuti pane mamwe mapurisa asinganzwisise mashandiro evatapi venhau.

Gweta zvakare vari mutapi wenhau, VaChris Mhike, vatiwo zvinosuwisa kuti vatapi venhau vari kuramba vachishungurudzwa nekusungwa kunyange hazvo hurumende ichiti iri kuvandudza mitemo yemashandiro avo.

VaMhike vatendawo danho ratorwa nemapurisa rekuti anoda kuti vatori venhau vashande zvakanaka vakasununguka.

Vatiwo kunyange hazvo mitemo yakaita seAccess to Information and Protection of Privacy Act AIPPA, yakabviswa mitemo mitsva yakaunzwa haisi kunyatsodzivirira vatapi venhau kuti vasashungurudzwa uye vanochengetedza mutemo havaremekedzi vatapi venhau.

Mukuru wesangano reVoluntary Media Council of Zimbabwe, VaLofty Dube, vati mapurisa aita zvakanaka vakati vanovimba kuti izvi zvichagadzirisa dambudziko rekushungurdzwa kwevatori venhau nemapurisa munyika.

Zuva reWorld Press Freedom Day rino cherechedzwa pasi rese musi wa3 Chivabvu.

Mune imwewo nyaya, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vavhura zviri pamutemo paramende yevechidiki yechimakumi matatu kunhandare yeCity Sports Centre muHarare.

Paramende iyi yavhura pasi pedingindira rekuti “Eliminating harmful practices affecting children: Progress on policy and practice since 2013.”

VaMnangagwa vati vabatanidza zuva ranhasi nemhemberero dzeDay of the Africa Child uye vati vanoda kuti vechidiki varambe vakabata remangwana neZimbabwe neAfrica.

Vati vati hurumende yakazvipira kuona kuti vechidiki vane chekuitawo pabudiriro yenyika.

VaMnangagwa vakurudzirawo vechidiki kuti vasazvitarisire pasi uye kuti vachengetedze unhu pamwe nemitauro yavo.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG