Accessibility links

Breaking News

Musangano weNJNC Pakati peVashandi veHurumende neVamiriri veHurumende Pamusoro peMihoro Unotadza Kubuda neChisungo


Varairidzi vachiratidzira. Vashandi vehurumende vave kuda kuti mushandi ari muGrade B1 atambiriswe US$840.00.
Varairidzi vachiratidzira. Vashandi vehurumende vave kuda kuti mushandi ari muGrade B1 atambiriswe US$840.00.

Mubatanidzwa wemasangano anomirira vashandi vehurumende reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions (ZCPSTU) anoti musangano wekuzeya mihoro yevashandi vehurumende waitwa neChishanu pasi peNational Joint Negotiating Council, NJNC, watadza kuburitsa chimuko mushure mekunge vamiriri vevashandi varamba zvanga zvaiswa patafura nevamiriri vehurumende munhaurirano idzi.

Mugwaro raburitswa nesangano iri mushure memusangano uye, ZCPSTU, inoti hurumende yanga tanga yaisa zvikamu makumi masere kubva muzana patafura asi zvarambwa nevashandi, izvo zvazoita kuti iwedzere kuenda pazvikamu zana kubva muzana zvemadhora emunyika asi izvi zvarambwa zvakare.

Izvi zvinonzi zvaizoita kuti mushandi wepasi asimuke kubva pamadhora emunyika zviuru gumi nezvisere kuenda pazviuru makumi matatu nezviviri zvemadhora emunyika.

Asi vashandi vanonzi vanga vachida kuti mushandi ari mu Grade B1 atambiriswe madhora eku America anoita mazana masere nemakumi mana kana kuti US$840.00, iyo vanoti ndiyo iri kuenderana nemamiriro ezvinhu.

Vamiriri vehurumende munhaurirano idzi vanonzi vazokumbira nguva yekuti vadzokere kuvakuru vavo nechikumbiro chevashandi ichi.

Izvi zviri kuuyawo panguva iyo vadzidzisi vari mumubatanidzwa weFederation of Zimbabwe Educators Union (FOZEU), vazivisawo kuti vari kuenderera mberi nehurongwa hwavo hwekuramwa mabasa kwesvondo rose svondo rinouya sezvo hurumende yatadza kuwirirana nevashandi.

Ukuwo, masangano anomirira vakoti akazivisawo kuti nhengo dzavo dzichakandawo mapadza svondo rinouya dzichinyunyuta nenhau yemihoro iri pasi.

Mutauriri webazi redzidzo yepasi,VaTaungana Ndoro, vaudza Studio kuti nyaya yekuramwa mabasa kwevarairidzi inyaya yave kuda vePublic Service Commission.

Hatina kukwanisa kubata vePublic Service Commission, PSC kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

Mutauriri werimwe sangano riri muFOZEU, reAmalgamated Rural Teachers’ Union of Zimbabwe, ARTUZ, Muzvare Christine Kanyumba, vanoti havasi kuzodzora tsvimbo pahurongwa chekumira kushanda kutanga nemusi weMuvhuro svondo rinouya.

Muzvare Kanyumba vanoti izvi zvawedzerwa nekuti PSC haina kuvapa mhinduro kusvika pakupera kwezuva remusi weChishanu ravakanga vakaipa kuti inge yavapindura.

Mutungamiri werimwezve sangano riri pasi peFOZEU, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaTavafira Zhou vatsinhirawo vachiwedzera kuti hurumende yatadza kuzadzisa zvivimbiso zvayakanga yapa zvinosanganisira kuti yaizobhadharira vana vevarairidzi mari dzechikoro.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG