Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Vochema Muzvare Moreblessing Ali Vachikurudzira Runyararo


Mutungamiri Citizens Coalition for Change VaNelson Chamisa
Mutungamiri Citizens Coalition for Change VaNelson Chamisa

Mutungamiriri webato rinopikisa, VaNelson Chamisa nhasi vapinda munamato wekurangarira nhengo yebato ravo Moreblessing Ali uyo akawanikwa akapondwa neMugovera mushure mekupambwa nevanhu vanofungidzirwa kuti inhengo dzebato reZanu PF vachiti hapana munhu anokodzera kuurayirwa nyaya dzematongerwo enyika.

VaChamisa vati hapana munhu anokodzera kuponderwa zvematongerwo enyika vakati zvave kuitika mucherechedzo wekuti shanduko yave pedyo.

Vakurudzira nhengo dzebato ravo kuti disaite zvemhirizhonga kunyange vakadenhwa vachiti ndozvirikutsvagwa nevanhu vakaponda Muzvare Moreblessing

Vati nhengo dzebato ravo dzinofanira kubatana nekushanda pamwe chete vakati vanhu vakapinda Ali vanofanira kurangwa nemutemo.

Vatiwo vave kutonyorera kusangano reSADC vachivaudza kuti nyaya yekushungurudzwa nekunyangariswa kwevanhu yatanga muZimbabwe.

Hama dzemufi dzaudza VaChamisa nevamwe vakuru vakuru vebato iri dzavakutochemera kumba kwemufi nekuti dziri kushungurudzwa nehutungamiriri hweZanu PF kuNyatsime.

Mwana wemufi, Silence, audza mhomho yapinda mumunamato wekurangarira amai vake kuti ave kutotya kugara pamba paamai vake nekuda kwemashoko enhengo dzeZanu Pf munzvimbo iyi.

Mufi ari kuchemerwa kumba kwasekuru vake kunyange munamato waitirwa kumba kwake.

Gweta remhuri, VaJob Sikhala, vati mhuri yemufi yakatora danho rekuti Moreblessing achavigwa chete kana vanhu vakamuuraya vabatwa.

Izvi zvatsinhirwa nasekuru vemufi, VaWellington Ali avo vati mhuri ichazozeya futi danho rayo nemusi wechipiri apo panotarisirwa kuitwa ongororo yekuti mufi akafa kana kuti Post Mortem pachirungu.

Mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko muZanu PF vaTafadzwa Mugwadi varamba kuti bato rinechekuita nekufa kwaMoreblessing vachiti zviripachena kuti nyaya iyi inechekuita nerudo vanhu vanofanira kupa mapurisa mukana wekutsvaga Pius Jamba uyo akapedzesera kuonekwa aine mufi.

VaMugwadi vaudzawo Studio 7 kuti pane nhengo dzebato ravo dzarwiswa nenhengo dzeCCC uye pane imwe nhengo yavo yapisirwa imba.

Mutauriri wemapurisa. VaPaul Nyathi vati mapurisa ari kuferefeta nyaya iyi uye vachizivisa zvavawana nekufamba kwenguva.

Vatiwo vari kuferefeta nyaya yekupondwa kwaMuzvare Moreblessing uye vari kutsvaga Jamba nevamwe vaangadai akauraya Moreblessing navo.

Nyaya Ina Godwin Magudya
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG