Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHupfumi, Vashandi, Voyambira Kuti Hupfumi hweNyika Hwakasagadziriswa Nyika Inodzokera muMakore a2008-2009


 Gavhuna nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya
Gavhuna nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya

Dzimwe nyanzvi dzezvehupfumi pamwe nevashandi vari kuyambira kuti kunze kwekunge mamiriro ezvehupfumi hwenyika agadziriswa nekukasika, veruzhinji vacharamba vachinonga svosve nemuromo nekuda kwekukwira kuri kuramba kuchiita mitengo yezvinhu zvinodiwa neveruzhinji zuva nezuva.

Chimwe chinonzi chichadzosera nyika kumashure kushaya simba kuri kuramba kuchiita dhora remunyika richienzaniswa nedhora rekuAmerica, izvo vanoti zvichadzosa nyika mukutambura kwekumakore a 2008-2009.

Panguva iyo mitengo yezvinhu iri kuramba ichikwira uye mari yemunyika iri kushaya simba ichienzaniswa nedhora rekuAmerica, mapoka ehurumende pamwe nemakanzuru munyika vave kuzivisa veruzhinji kuti vave kutara mitengo kana mitero yavanobhadharisa vachishandisa mutengo wedhora rekuAmerica pamusika wemabhanga wezuva iroro.

Izvi zvinonzi zviri kuomesera veruzhinji sezvo mihoro yavo isiri kushanduka, ukuwo zvizhinji zvavanotenga zvichitarwa mitengo pachishandiswa musika mutema.

Izvi zvinotsinhirwa neimwe nyanzvi mune zvehupfumi, VaLuxon Zembe, avo vanoti mitengo yezvinhu munyika haichisiri kufambidzana nemutengo wedhora rekuAmerica uri pamutemo, sezvo vemabhizimusi vave kutara mitengo yavo vachishandisa musika mutema.

Munyori mukuru wesangano guru rinomirira vashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanotiwo dambudziko rapinda munyika nderekuti vashoma ndivo vari kudzika mitemo inobata veruzhinji vachingoshingisa vanhu izvo zvinhu zvichiramba zvichiwondomoka.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanotiwo nemakwiriro ari kuramba achiita mitengo yezvinhu, inflation yemunyika inogona kudzokera payakambosvika mumakore a 2008 – 2009, apo Zimbabwe yakave ndiyo nyika yaive ne inflation yakakurisisa mupasi rose.

Saka zvinhu zvingagadzirisika sei kuti mitengo yezvinhu pamwe ne inflation zvigadzikane?

Nyanzvi mune zvehupfumi uye vakambotungamira sangano revemabhizimusi reConfederation of Zimbabwe Industries, CZI, VaCallisto Jokonya, vanoti panofanirwa kujekeswa nehurumende kuti matanho api airi kutora ekudzikamisa zvinhu uye hurongwa hupi hwairi kuita panyaya yemafambisirwo ari kuitwa dhora rekuAmerica munyika.

Vamwe vari kutiwo kuti zvinhu zvigadzikane hurumende inofanirwa kumbosendeka parutivi kushandiswa kwedhora remunyika, nyika yodzokera pakushandiswa kwedhora reAmerica.

Hatina kukwanisa kubata gavhuna veReserve Bank of Zimbabwe, VaJohn Mangudya kanawo gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, kuti tinzwe matanho avari kutora ekugadzirisa matambudziko aya.

Asi VaMangudya pamwe naVaNcube, vakatozivisa kare kuti dhora remunyika harisi kuzosendekwa, izvo zviri kunzi nevamwewo vanoongorora zvehupfumi dzangovewo nharo dzemukuru dzekuti haangasiye bhatyi padare.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG