Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri, Chivabvu 14, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Mutungamiri webato reCCC VaNelson Chamisa vobatana nehumwe hutungamiri hwebato ravo kunochema nhengo yebato iri yakapondwa kuNyatsime Muzvare Moreblessing Ali. Asi panonzi pari kuitika mhirizhonga vatsigiri veZanu-PF vachipomerwa mhosva yekuda kukanganisa rufu urwu.

Mutungamiri werimwe sangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe VaObert Masaraure vatumira mashoko kuvatori vanhau vachiti vasungwa vachipomerwa mhosva yekuponda yavanoti ndeyenhema.

Mutevedzeri wemunyori webato reZanu-PF VaKembo Mohadi vokurudzira masadunhu kuti atsvagire Zanu-PF rutsigiro vozopihwa mari nezvimwe.

Mutori wenhau anmboshandira New York times Jeffrey Moyo obatwa nemhosva yekutyora mutemo wekupinda nekubuda kwebanhu munyika kana kuti Immigragtion laws achiinzi akapinza vatori venhau vebepanahu iri munyika zvisiri pamutemo.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa votarisirwa mangwana kunovhura zviri pamutemo musangano wezvemutauro kana kuti Languages Conference wemazuva matatu kuVictoria Falls.

Nyanzvi dzezvehupfumi pamwe nevashandi vozeya kukwira kwemitengo yezvinhu zvinodiwa zuva nezuva izvo zvoita kuti vakurudzire kuti patorwe matanho anodzikamisa mitengo yezvinhu.

Muchirongwa chedu cheThe Connection na8pm chatinotaura nevechidiki tine hurukurukuro nezvenyaya yemhirizhonga munyika zvichitevera kupondwa kwenhengo yeCitizens Coalition for Change Muzvare Moreblessing Ali kuNyatsime, Chitungwiza.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG