Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vokurudzira Runyararo paKuradzikwa kweGamba Maj-Gen(Rtd) Nyathi


Zimbabwe Heroes Acre, Harare.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakurudzira vezvematongerwo enyika nemasangano akazvimirira oga kuti vashande murunyararo pakuvigwa kwegamba renyika Major General Retired Sikhuliile Simpson Nyathi kumarinda eHeroes Acre Huharare nhasi.

VaMnangagwa vati mushakabvu aive munhu akazvipira munguva yehondo yerusungunuko. Munguva yehondo vaizivikanwa neremadunhurirwa rekuti Cde Loss uye vakaberekerwa kuGwanda.

VaMnangagwa vatorawo mukana uyu kutaura nezve sarudzo dziri kuuya gore rinouya, vachiti bato ravo ndio rega rinogona kuyambutsa vana veZimbabwe kubva mumatambudziko ari munyika. Vati nhaka ye Zimbabwe inochengetwa nevana ve Zimbabwe kwete vatorwa.

Asi vamwe vemapato anopikisa vanoti sarudzo dzekuti anofanira kuitwa gamba renyika dzinofanira kubviswa mumaoko ebato riri kutonga reZanu PF dziiswe muvanhu nekuti magamba chaiwo evanhu ari muvanhu kwete vanosarudzwa pachizivano neumbimbindoga hweZanu-PF.

Sachigaro we bato rinopikisa re CCC muNorth America vaTawanda Dzvokora vaudza Studio 7 kuti hazvibetseri kuramba vachitevera tsika ydzekare dzine hudvinyiriri vachitadza kuona kwave kuenda nyika nekuti kune vechidiki vanokodzera kuitwawo magamba asi vari kusiiwa panze nekuti havazi nhengo dze Zanu PF.

Hurukuro naVaTawanda Dzvokora
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
‚Äč

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG