Accessibility links

Breaking News

Nhengo deZanu PF Dzinocherechedza Zuva reKuronga Masero Dzichitarisa Kana mazita Adzo Ari muMagwaro eBato


Nhengo dzeZanu PF
Nhengo dzeZanu PF

Nhengo dzebato reZanu PF nhasi dzacherechedza zuva re National Cell Day, rinove zuva rakasendekwa parutivi kuti nhengo dzebato iri nyika yose dziende kumapazi epasipasi kana kuti kumasero (Cell) kunoona kana mazita adzo ari mumagwaro ebato iri.

Nhengo idzi, idzo dzinosanganisira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, avo vanga vari kusero kwavo kuKwekwe, dzapinda misangano munzvimbo dzadzinobva.

Nhengo ye Politburo uye vari gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vapinda musangano kusero yavo yeMabvumadzama kuZowa kwaZvimba.

VaZiyambi, avo vanga vari mukati mevanhu ndokuzopihwa mukana wekutaura, vakuridzira nhengo dzebato ravo kuti dzinyorese kuvhota nehuwandu kuti vakunde musarudzo dzegore rinouya.

VaZiyambi, avo vazvionera pamhuno sefodya dambudziko riri kusangana nevanhu pakutora magwaro ekuzvarwa, vanoti vari kuita dambudziko rekunyoresa kuvhota kwevanhu sezvo vari kufamba mitunhu yakareba kunonyoresa kuvhota kwaMurombedzi uye vanhu vakawanda havana zvinodikanwa zvose.

Sachigaro wesero yeMabvumadzama, VaMind Musapurwa, vabvuma kuti VaZiyambi inhengo yesero yavo.

VaMusapurwa vanoti vanhu vakawanda, kunyanya vechidiki, havana magwaro ekuzvarwa nezvitupa kuti vanyorese kuvhota.

Panyaya yekuenda kumapazi epasi kwaitwa nenhengo dzeZanu PF, mutevedzeri wemutauriri weCitizen Coalition for Change-CCC- VaOstalos Siziba vanoti Zanu Pf iri kuvatevedzera zvavakaita kubato ravo sezvo ivo vakatotanga kare kuenda kumabhuranji kwavo sezvo musangano uchiumbwa kubva pasi.

Mapato akawanda ezvematongerwo enyika ari mubishi kuvandudza mapazi emapato avo pamwe nekutsvaga rutsigiro kunhengo itsva.

Bato reZanu PF rine hurongwa hwekunge rave nevatsigiri mamiriyoni mashanu sarudzo dzegore rinouya dzisati dzaitwa. Ukuwo, CCC iri kuti iri kuda kusvitsa nhengo mamiriyoni matanhatu.

Apo VaMnangagwa vanga vari kuKwekwe, vatevedzeri vavo mubato, VaConstantino Chiwenga naVaKembo Mohadi pamwe nemunyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa muZanu PF VaObert Mpofu, vanga vachitarisirwawo kunge vari kumatunhu avanobvawo.

VaChiwenga vanga vachitarisirwa kunge vanga vari kuHwedza, VaMohadi kuBeitbridge, kuchitiwo VaMpofu kuMatabeleland North.

Nyaya ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG