Accessibility links

Breaking News

UNICEF Inoparura Komiti yeVechidiki neChinangwa Chekuvabatsira Kupinda muZvirongwa Zvinovabatsira muHupenyu


Sangano reUNICEF raparura komiti yevechidiki yeZimbabwe Adolescents and Young People’s Advisory Committee.
Sangano reUNICEF raparura komiti yevechidiki yeZimbabwe Adolescents and Young People’s Advisory Committee.

Sangano reUNICEF raparura komiti yevechidiki yeZimbabwe Adolescents and Young People’s Advisory Committee iyo ine chinangwa chekuona kuti vechidiki vangaronge sei nekupinda muzvirongwa zvine chekuita nehupenhu hwavo.

Mutevedzeri wemumiriri weUNICEF muZimbabwe Amai Zeinab Adam vati danho ravatora iri rakakosha pakupa vechidiki simba rekuti vazvitaurire nekuzvirongera zvavanoda pakurarama kwavo.

Amai Adam vati vanofara chose kuti hurumende yeZimbabwe inoda chose kusimudzira vechidiki, vachiti chirongwa chaparurwa nhasi chiri kuitwa munyika zhinji pasi rese tenderere.

Mumwe ari kutungamira chirongwa ichi muUNICEF Zimbabwe Amai Beula Senzanje vaudza Studio 7 kuti vechidiki vakawanda vari kurasikirwa nemikana nekuda kwekuti havana ruzivo rwezviri kuitika, uye kuti vabereki vavo kana kuti hama dzavo hadzivabatsiri pane zvavanenge vachida kuita.

Vati chirongwa chavaparura nhasi chinoda kugadzirisa izvi.

Nhengo dzekomiti yaparurwa nhasi, iyo ine vechidiki vanobva kumativi mana enyika kusanganisira makunzura nenhengo dzeparamende dzevechidiki, dzati dzinofara nezvaitika nhasi dzikati dzichashanda nesimba kugadzirisa zvinonetsa pane vechidiki.

VaLincoln Tatenda Bitipiti ndemumwe apinda mukomiti yaparurwa nhasi iyi uye vanoti vachashanda nesimba kuona kuti vechidiki vabatsirwa.

Mukuru wesangano rePlatform for Youth and and Community Development, VaClaris Madhuku, vati vanotambira chirongwa che UNICEF.

UNICEF inoti vechidiki vanosangana nematambudziko nekuda kwezvikonzero zvakawanda zvinosanganisira kushaya ruzivo rwezviri kuitika munyika, kushaya mari nerutsigiuro kubva kuvabareki pamwe nemasangano anomirira vechidiki munyika.

VaMadhuku vanoti ichi ichokwadi uye vari kuedza kugadzirisa dambudziko iri.

Zimbabwe ndiyo yega muSADC ine chirongwa chaita sechaparurwa ichi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG