Accessibility links

Breaking News

Turbo Mine Yodzinga Basa Vashandi Mushure Mekuita Nhengo Dzerimwe Sangano reVashandi


Vashandi vemumwe mugodhi vachiratidzira.
Vashandi vemumwe mugodhi vachiratidzira.

Mugodhi weTurbo Mine, uri kuHwange, unonzi wadzinga basa vashandi vanosvika makumi matatu nevana (34) mushure mekunge vanyoresa kuve nhengo dzerimwe sangano rinomiririra vashandi vemumigodhi, reNational Mines Workers Union of Zimbabwe (NMWUZ), iro rinonzi riri kurwisana nekambani iyi kumatare edzimhosva.

Vashandi vemugodhi uyu vanoti mihoro yavo iri pasi zvakanyanya, mashandiro avo haana kutsarukana uye vanotyisidzirwa nevakuru vekambani iyi pabasa.

Mumiririri weHwange muparamende, Va Fortune Molokele, vanyorawo nezvechiitko ichi padandemutande re Twitter vachiti zvinosuwisa zvakanyanya.

Gweta riri kumiririra vashandi vamiswa mabasa ne Turbo Mine, richishanda nesangano reNational Mines Workers Union of Zimbabwe ,VaKevin Mawoyo vanoti makambani akawanda mudunhu reHwange anoita zvemigodhi haaso kubata vamwe zvakanaka.

VaMawoyo vaudza Studio 7 kuti tsamba dzapihwa vadzingwa mabasa hadzina zvizhinji zvadziri kutaura sezvikonzero, asi vanoti zviri pachena kuti vese vadzingwa vashandi vanozivikanwa kuti vakanyoresa kuve nhengo dzesangano re NMWUZ.

Nekudaro, vanoti nyaya haisi yekushomeka kwemari nemabasa pamugodhi asi kurwadzisa vari kuonekwa sevari kukonzera kusagadzikana nekufurira vamwe vashandi kusungisa kambani.

Taedza kunzwa divi revaridzi vemugodhi asi varamba kutaura pamhepo vachiti vanoda kuti tivatumire zvatinoda kubvunza paine nguva kuti vatange vataura nevakuru vemapazi ane vashandi vari kunzi vamiswa mabasa.

hurukuro naVaKevin Mawoyo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG