Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chishanu 10 Chikumi, 2022


Shona Headlines

Mapurisa emuHarare anopinda zvechisimba pamahofisi eZimbabwe Devine Destiny ndokusunga vafundisi nevatendi vane chitsama mushure mekunge mapurisa arambidza vedzisvondo ava kuparura chirongwa chavo chekunamatira nyika chavari kudaidza kuti The Zimbabwe We Want Campaign.

Sangano reUNICEF nhasi raparura komiti yeZimbabwe Adolescents and Young People’s Advisory Committee iyo ine chinangwa chekuona kuti vechidiki vanoronga nekupinda muzvirongwa zvine chekuita nehupenhu hwavo. .

Vamwe varimi vanoti vari kubirwa chibage chavo chichiri muminda izvo zvave
kuvamanikidza kukohwa chibage chavo chichiri chinyoro, zvinove
zvichakanganisa kutengwa kwechibage chavo kuGrain Marketing Board-GMB.

Mugodhi weTurbo Mine uri kuHwange unonzi wapa matsamba ekumiswa mabasa kuvashandi vanosvika makumi matatu nevana mushure mekunge vashandi ava vanyoresa kupinda musangano rinomiririra vashandi vemumigodhi re National Mines Workers Union of Zimbabwe.

Chikwata cheZimbabwe chemutambo wekiriketi chiri kupinda munhandare mangwana mumutambo wekutanga wemaT20 chichibandana ne Afghanistan chiine hukasha mushure nekurohwa mumitambo mitatu yezuva rimwe.

Muchirongwa chedu che LiveTalk, nhasi tiri kutarisa mamiriro akaita zvinhu munyaya dzekodzero dzevanhu zvichitevera kurambidzwa kuungana kuri kuitwa vanhu nemapurisa.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG