Accessibility links

Breaking News

VaTrump Vopomerwa Mhosva yeKuda Kupidigura Hurumende


Vaimbova mutungamiri wenyika VaDonald Trump
Vaimbova mutungamiri wenyika VaDonald Trump

Komiti yedare reparamende iri kuongorora mhirizhonga yakaitika musi wa 6 Ndira 2021 padare reparamende remuAmerica reCapitol Hill muWashington DC iri kupomera vaive mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump mhosva yekuda kupidigura hurumende sezvo vainge vasingadi kutambira zvainge zvabuda musarudzo dzemuna 2020 dzavainge vakundwa naVaJoe Biden.

Komiti iyi yatanga nhasi kupa zvairi kuwana muongororo yezvakaitika. Iri kushandisawo mavhidhiyo nemashoko evamwe mumhuri yaVaTrump nezvipangamazano zvavo vachipikisa mashoko avo ekuti sarudzo dzainge dzabirirwa.

Mamwe masangano akaita seanoonekwa seanopfurikidza mwero anoti reOath Keepers ne Proud Boys aburitswa pamavhidhiyo achironga mhirizhonga uye vanhu vairatidzira vaitiwo vainge vatumwa naVaTrump.

Asi VaTrump vari kuramba zviri kutaurwa nekomiti iyi vachiti sarudzo hadzina kufambiswa zvakanaka. Chimwe chezvirwa cheZimbabwe chiri muMaryland muAmerica, VaBrian Musekiwa vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti nyaya iyi iongororwe sezvo yichisimbisa muhutongo hwejekerere nekutevedzerwa kwemutemo.

Hurukuro naVaBrian Musekiwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG