Accessibility links

Breaking News

Gwaro reOngororo yeMamiriro eZvinhu muNyika Rakaburitswa neAfrobarometer Rokonzera Maonero Akasiyana


Afrobarometer
Afrobarometer

Veruzhinji pamwe nevezvematongerwo enyika vari kupa maonero akasiyanasiyana pamusoro pegwaro reongororo yemamiriro akaita zvinhu munyika rakaburitswa neAfrobarometer ichishanda pamwechete neMass Public Opinion Institute (MPOI), iro rinoti zvikamu makumi manomwe nezviviri kubva muzana kana kuti 72 percent, zvevanhu vakataurwa navo muongororo iyi vari kuti nyika yananga kumawere.

Ukuwo, zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana (51) zvevanhu vakataurwa navo vari kuti kunyange hazvo zvinhu zvakaoma munyika, vachine chivimbo nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti varambe vari panyanga.

Ongororo iyi yakaratidzawo kuti zvikamu makumi mana nezvina kubva muzana, kana kuti 44 percent, zvinotsigira bato riri kutonga re Zanu PF, ukuwo zvikamu makumi mana nezviri kubva muzana kana kuti 42 percent, zvichitsigira kuti bato idzva reCitizens Coalition for Change rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa ripiwe matomu ekutungamira nyika.

Paongororo iyi, masangano maviri aya akataura nevanhu chiuru chimwe nemazana maviri, kana kuti 1 200.

Ongororo iyi yakaburitsawo pachena kuti vanhu vari kuchema nekukundikana kwehurumende kudzikamisa mitengo yezvinhu, kushaikwa kwemabasa nezvimwe zvakawanda zvinosimudzira hupenyu hwavo.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vari mutungamiri webato rinopikisa re Democratic Party, VaUrayayi Zembe, vanoti vanowirirana negwaro iri panyaya yekuti zvinhu zviri kuenda mudondo, vachiti zviri mumakore makumi mana nemaviri nyika yawana kuzvitonga kusvika nhasi, marwadzo ndiwo anyanya.

Asi nhengo yeZanu PF uye vakambove mumiriri wePelandaba/Mpopoma muparamende, VaJoseph Tshuma, vanoti Zimbabwe inongofananawo nedzimwe nyika dziri kutambura nekuda kwehondo iri pakati peUkraine neRussia, vachiti kutambura kweZimbabwe kunozoenda pamberi nekuda kwezvirango zvinovatadzisa kuwana zvikwereti zvekuita zvirongwa zvebudiriro.

VaTshuma vanoti kunyange hazvo zvikamu makumi manomwe nezviviri kubva muzana zvakati zvinhu zvakaoma, zvinoratidza kuti vanhu vari kunzwisisa kuti matambudziko ari munyika haasi kukonzerwa nehurumende izvo zvakaita kuti zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana zviti zvinoda kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa varambe vari panyanga.

Asi VaZembe vanoti huwandu hwezvikamuzviri kuti zviri kugutsikana nehutungamiri hwaVaMnangagwa hunogona kunge hwakakonzerwa nekutya kutaura chokwadi vachiziva zvinozoitika kwavari.

Hurukuro naVaUrayayi Zembe pamwe naVaJoseph Tshuma
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG