Accessibility links

Breaking News

Vaimbova Gurukota Amai Kagonye Votongerwa Kugara Mujeri kweGore neMwedzi Mina


Amai Petronella Kagonye
Amai Petronella Kagonye

Vaimbove gurukota rezvashandi, Amai Patronella Kagonye, nhasi vatongerwa kugara mujeri kwemakore matatu mushure mekubatwa nemhosva yekuba macomputer makumi maviri aifanira kupihwa kuzvikoro zvekumaruwa kuGoromonzi South.

Mutongi wedare, Amai Vongai Muchuchuti Guwuriro, vasendeka gore pamutongo uyu vachiti Amai Kagonye havafaniri kupara mhosva yakadai mumakore mashanu.

Vatiwo mwedzi misere yemutongo uyu ichaiswa parutivi kana Amai Kagonye vakabhadhara zviuru gumi zvemadhora ekuAmerica kuPostal and Telecommunications Regulatory Authority of Zimbabwe (POTRAZ) unove mutengo wemalaptop avakaba.

Izvi zvinoreva kuti Amai Kagonye vachagara mujeri kwemwedzi gumi nemitanhatu. Vachipa mutongo wavo Amai Guwuriro, Amai Kagonye vakatadza kutsangura zvinogutsa dare kuti vakashandisa sei malaptop ava kapihwa nePOTRAZ.

Vati tsanguro yakapihwa naAmai Kagonye kuti macomputers akafamba sei painzwikwa nyaya iyi yainge isina maturo ose.

Gweta ramaAmai Kagonye, VaRungano Mahuni, vaudza Studio 7 kuti havana kufadzwa nemutongo wedare uye vari kuenda kudare repamusoro mangwana chaiwo kunopikisa.

VaMahuni vaenderera mberi vachiti vanodawo kuti nyaya yaAmai Kagonye inzikwe kudare repamusoro vachibva kumba nekudaro vachakwidzawo chikumbiro nemuvhuro chekuti vaihwe mukana wekubhisva mari yechibatiso.

Amai Kagonye vanonzi vakapihwa macomputer makumi maviri kuti vaape kuzvikoro zviri kuGoromonzi South asi vanonzi havana kuita izvi.

Muchuchusi panyaya iyi, VaZivanai Macharaga, vakumbira dare kuti ripe Amai Kagonye mutongo wakaoma vachiti kuba mari dzeveruzhinji imhosva hombe uye ndeimwe yenyaya dzehuwori dzanetsa munyika. Muchichemo chavo kudare Amai Kagonye vakati vaive mupari wemhosva kekutanga uye ndivo muriritiri wemhuri yavo.

Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaTafadzwa Mugwadi vati zvaitwa zvinoratidza kuti hurumende yakazvipira kurwisa huori isingatarise kuti wabuda mumnba maani

Asi munyori mukuru mubato reZanu-PF VaCharlton Hwende vati mutemo wemuZimbabwe idandemutande rinobata tikuka tudiki nzou dzichidarika.

Amai Kagonye ndemumwe wevashoma vaive nezvigaro murumende vakabatwa nemhosva nekutongerwa kugara mujeri.

Vamwe vanosanganisira vaive gurukota rezvemmhando dzemoto, Dr Samuel Undenge avo vakazonzirwa tsitsi nemutungamiriri VaEmmerson Mnangagwa, VaDouglas Tapfuma vaive mukuru wezvedzimba dzehurumende nevaive munyori mubazi rezvemigodhi, VaFrancis Gudyanga.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG