Accessibility links

Breaking News

Mutongo weDare Unomanikidza Hurumende Kudzika Mutemo Unotara Mashandiro eMakurukota neVatevedzeri veMutungamiri weNyika Wotambirwa neMufaro


Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi. (Columbus Mavhunga/VOA)
Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi. (Columbus Mavhunga/VOA)

Dare repamusoro reHigh Court neChitatu rakapa mutongo wekuti gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi pamwe negweta guru rehurumende, VaPrince Machaya, vange vabuda nemutemo unotara mitemo inofanirwa kuteverwa nevatevedzeri vemutungamiri wenyika, makurukota pamwe nevatevedzeri vemakurukota mukuita mabasa avo kana vari muhofisi, kana kuti Code of Conduct.

Vachipa mutongo wavo, mutongi weHigh Court Justice David Mangota vakapa vaviri ava mazuva makumi mana nemashanu (45) ekuti vange vabuda nebhiri iri uye ringe raendeswa kudare remakurukota.

Mutongo uyu unotevera matanho ekuenda kumatare edzimhosva akatorwa nemumwe mudzidzi wezvemitemo wepachikoro chepamusorosoro cheZimbabwe Ezekiel Guti University, ZEGU, Nyasha Chirima, uyo aida kuti dare rimanikidze VaZiyambi pamwe naVaMachaya kuti vabude nebhiri iri sezvinokurudzirwa nechikamu 106 (3) chebumbiro remitemo yenyika.

Vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, vakamanikidzwa kusiya basa mushure mekunge nyaya dzavo dzehupombwe dzaburitswa mumadandemutande.

Svondo rapera mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakadzinga basa vaive mutevedzeri wegurukota rezvekurima, VaDouglas Karoro, mushure mekunge vapomerwa nyaya dzehuwori.

Hatina kukwanisa kubata VaZiyambi Ziyambi sezvo vanga vasingadairi nharembozha yavo. Takundikanawo kubata VaMachaya kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reAll Hands on Justice, VaKennedy Masiye, vanoti mutongo uyu mutongo wakanaka kwazvo uye wanga watononokesa.

VaMasiye vanoti havaoni zvavo pachizotorwa matanho ekuti pange pave nemutemo uyu nekukasika, kunyange hazvo uri mutongo uri kuendesa zvinhu mugwara rakanaka.

Hurukuro naVaKennedy Masiye
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG