Accessibility links

Breaking News

Doctor Magaisa Voitwa Gamba reVanhu neMasangano Akazvimirira


Doctor Alex Magaisa
Doctor Alex Magaisa

Gweta raive nemukurumbira, Dr Alex Magaisa, avo vakashaya nemusi wesvondo kuBritain nhasi vapihwa ruremekedzo rwegamba revanhu, People’s Hero, nerimwe sangano ravakatanga muZimbabwe, reConstitutional Law Centre, uye sangano iri ratara mazuva mashanu ekuvachema kutanga nhasi.

Munyori weCLC zvakare vari mukuru weZimrights, VaDzikamai Bere, vaudza vatori venhau kuti mukati memazuva mashanu aya kutanga nhasi, pachaitwa zvirongwa zvakawanda zvekurangarira mushakabvu nemabasa.

Nhasi manheru nenguva dza7 padandemutande reTwitter Spaces reCLC pachataura rimwe gweta rine mukurumbira, VaBrian Kagoro, uye mangwana na5 manheru pachaitwa Public Lecture apo pachataura gweta rinorwira kodzero dzevanhu, Amai Beatrice Mtetwa, avo vakashandawo naVaMagaisa.

VaBere vanoti nemusi weChishanu pachaitwawo munamato wekurangarira VaMagaisa uyo uchange uchitungamirirwa nemumwe murwiri wekodzero dzevanhu, VaDeprose Muchena.

Vatiwo vano kurudzira veruzhinji kuti vabude nehuwandu hwavo kunotambira mutumbi waVaMagaisa kuRobert Mugabe International apo uchauya kuzoradzikwa pazuva risati rataurwa nemhuri yavo.

VaLovemore Kadenge avo vanobva kumusha kumwe chete nemufi vanoti zvinofadza chose kuona Alex apihwa ruremekedzo rwakakura kudai nevamwe vake.

Vati mufi akaratidza hunyanzvi hwake po akashanda sechipangamazano chemutungamiri wenyika VaMorgan Tsvangirai panguva yehurumende yemubatanidzwa uyewo pakunyorwa kwebumbiro remutemo weZimbabwe.

VaMagaisa vakashaya nesvondo kuBritain mushure mekurwara nechirwere chemoyo.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG