Kuoma kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi pamwe nemhirizhonga yezvematongerwo enyika ndezvimwe zvezvinhu zvinonzi zvakanyanya kusunda vana veZimbabwe kuti vabude munyika vachinotsvaga mafuro manyoro kana hupoteri kunze kwenyika.
Kune vakabuda, vazhinji vavo vakafunga kungoyambuka muganho wenyika vachinogara munyika dzakapoteredza dzakaita seBotswana, South Africa, Mozambique neZambia, uko vakawanda vavo vakanotora mabasa akasiyanasiyana.
Vamwewo ndivo vakafunga kuenda kunyika dziri mhiri kwemakungwa dzakaita seBritain, America neAustralia.
Kune vakafunga kuenda munyika dzakapoteredza, mumwe wavo ndaVaTanaka Muchemwa, vanobva kuMudzi mudunhu reMashonaland East, avo vakapinda muMozambique.
VaMuchemwa vakanogara muguta reBeira uko vakanoshandisa hunyanzvi hwavo hwekunama simbi kuti vawane cheuviri.
VaMuchemwa avo vanoti mazuva ekutanga zvinhu zvakanga zvakaoma sezvo vaitarisirwa pasi nevashandirwi, vanoti iye zvino vave kutariswawo sevanhu kuburikidza nehunyanzvi hwavo hwekugona basa.
Vari kukukurudzirawo kuti vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vagare vakagadzirira remangwana kuburikidza nekupinda muzvirongwa zvekuvigwa zvine chiremera kana kuitawo kuti vawane kurapwa muhurwere pane kuti vanhu vazomhanyamhanya vachiita mudemhe mudemhe kuunganidza mari.
Facebook Forum