Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chitatu, 08, 2022


Misoro yeNhau
Misoro yeNhau

Vaimbova gurukota rinoona nezvevashandi Amai Petronella Kagonye vabatwa nemhosva yekuba macomputer.

Gweta raive nemukurumbira, Dr Alex Magaisa, avo vakashaya nemusi wesvondo kuBritain nhasi vapihwa ruremekedzo rwegamba revanhu, People’s Hero, nerimwe sangano ravakatanga muZimbabwe, reConstitutional Law Centre, uye sangano iri ratara mazuva mashanu ekuvachema kutanga nhasi.

Dare repamusoro rinoti hurumende yakatyora mutemo apo yamisa basa varairidzi vairamwa mabasa.

Hurumende inopihwa mazuva makumi mana nemashanu ekuti ibude nezviga zvinotarisirwa zvakaita setsika nekuzvibata kwemakurukota ehurumende.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naVaTanaka Muchemwa avo vari kuita mabasa ekunama simbi vari kuBeira kuMozambique.

Muchirongwa chedu cheDiaspora Forum chatinotaura nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kune dzimwe nyika, nhasi tiri kutarisa zvakataurwa neWorld Bank zvekuti Zimbabwe iri pakati penyika dzemuAfrica dzine zvizvarwa zvinoshanda kunze zviri kutumira mari.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG