Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa neMapurisa Vokatyamadzwa neHuwandu HweVanhu Vopondwa muNyika


Mochari

Mapurisa anoti ari kushushikana zvikuru nehuwandu hwevanhu vari kupondwa munyika yose sezvo mukati memazuva manomwe kusvika neMhuvhuro, vanhu gumi vainge vapondwa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa svondo rapera vakataurawo nezvenyaya yekukwira kwehuwandu hwevanhu vari kupondwa munyika iyi vachikurudzira kuti vasungwe.

Rimwe dunhu ratarisana nedambudziko iri ndereMashonaland West zvikuru muChinhoyi umo mapurisa ari kuyambira vagari kuti vangwarire mhondi, mbavha nemakororo zvichitevera kukwira kwe huwandu hwevanhu vari kupondwa, kubirwa zvinhu zvavo.

Mugwaro kuvagari vemuChinhoyi mukuru wemapurisa pakamba yeChemagamba, Chief Insp Samson Mugwidi vakurudzira vanhu kuti vasayanane nevavasingazive, vasatenge zvinhu zvinenge zvabiwa uye kuti vavhare magoni avo zvakasimba.

Vaenderera mberi vachiti vanhu havafanire kusiya motokari pamwe nedzimba dzisina kuvharwa zvakanaka uye kuti vasafambe husiku.

Vakurudzirawo vanhu kuti vaumbe makomiti ekuzvichengetedza ivo nemidziyo yavo kana kuti maNeighbrhood watch committees.

Mumwe mugari wemuChinhoyi VaBenjamin Mutema avo vakambotorerwa mari nemakororo manheru vanotenda kurudziro yemapurisa asi vanoti mapurisa hapana zvaari kuita kuchengetedza vagari vachiti mapurisa anozouya mhosva yaparwa kare.

VaMutema vanoti vakaumba chikwata chevanhurume padandemutande reWhatsApp muwadhi mavo rekuzivisana nezvevanhu vanenge vachingombeya mbeya munzvimbo yavo vasingazivikanwe.

Sachigaro weboka rinomiririra vagari reChinhoyi Resident Association-CHIRA-VaClifford Khupheko vanoti vakaita musangano nemapurisa vakavataurira kuti havasi kufara nekuti mapurisa ari kuwandira mumigwagwa pane kuti vafambefambe munogara veruzhinji.

VaKhupheko vakurudzira vagari kuti vaumbe makomiti emaneighborhood watch senzira yekuzvidzivirira kumbavha nemakororo.


Nyanzvi munyaya dzemagariro evanhu VaFelix Mumbindu vanoti dambudziko iri kazhinji rinokonzerwa nenhamo yatekeshera munyika.

Asi VaMumbindu vanowirirana naVaKhupheko kuti mapurisa anofamba nguva dzemanheru mashoma zvichienzaniswa nenguva yakare.

Dambudziko rehumhondi nehugororo ratekeshera nenyika yose sekutaura kwemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kumarinda anovigwa magamba kuHeroes Acre apo vaiviga gamba Major General (Retired) Godfrey Chanakira svondo rapera. Vakati vari kushushikna nemhondi idzi.

Mumwedzi waChivabvu mapurisa anoti vanhu vatatu vakapondwa muChinhoyi vamwe zana nevatatu vakatorerwa mari nezvinokosha zvavainge vanazvo mudunhu rose reMashonaland West.

Nyaya Ina Nunurai Jena
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG