Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHupfumi muNyika Dzopesana Maonero neNyanzvi yekuAmerica Muzvinafundo Hanke paNyaya yeInflation yeZimbabwe


Mitengo yezvinhu zvakawanda munyika inonzi yakwira zvakanyanya zvichikonzerwa nekushaya simba kwedhora remunyika.
Mitengo yezvinhu zvakawanda munyika inonzi yakwira zvakanyanya zvichikonzerwa nekushaya simba kwedhora remunyika.

Mitengo yezvinhu zvakawanda zvinoshandiswa zuva nezuva munyika iri kuramba ichiita chamurambamhuru kukwira, sezvakaonekwa mukupera kwesvondo apo chingwa chakakwidzwa nemitengo yakasiyanasiya kusvika kumadhora emunyika mazana mapfumbamwe nemakumi mana nemapfumbabwe kana kuti RTGs $949.00 parofu.

Kukwira kwemitengo uku kunonzi kuri kukonzerwa nezvinhu zvakasiyanasiyana, zvinosanganisira kushaya huremu kwemari yemunyika pamwe nehondo iri pakati peRussia neUkraine sezvo zvimwe zvezvinhu zvinodiwa munyika zvichibva kunyika mbiri idzi.

Izvi zviri kuuyawo paguva iyo imwe nyanzvi mune zvehupfumi muAmerica, Muzvinafundo Steve Hanke vepa Johns Hopkins University vakazivisa svondo rapera kuti Zimbabwe ndiyo yave ne inflation iri pamusoro penyika dzose pasi rose iri pazvikamu mazana maviri nemakumi masere nezvishanu kubva muzana kana kuti 285 perecent.

Mutungamiriri wesangano rinomirira vanobika chingwa reNational Bakers Association of Zimbabwe, VaDenis Wala vakaudza Studio7 kuti vakakwidza mutengo wechingwa nekuda kwezviri kuitika muhupfumi hwenyika, uye kukwirawo kwezvinoshandiswa mukugadziriswa chingwa.

Kukwira kwemitengo yezvinhu kunonzi nevamwe kusina tsarukanouku, kuri kukwidzawo inflation kusvika pakuti vamwe vakaita saMuzvinafundo Steve Hanke vepachikoro chepamusorosoro, cheJohns Hopkins University chekuAmerica vaise Zimbabwe pamusorosoro penyika dzepasi rino dzese.

Vachinyora svondo rapera, Muzvinafundo Hanke vakaisa inflation yeZimbabwe pazvikamu mazana maviri nemakumi masere nezvishanu kubva muzana kana kuti 285 percent, pamusoro penyika dzakaita se Venezuela, kunyange hazvo Zimbabwe National Statistics Agency, ZIMSTAT, yakaisa inflation yemunyika pazvikamu zana nemakumi matatu nechimwe nezviga zvinomwe kubva muzana, kana kuti 131.7 percent.

Ko dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinowirirana nemafigiri aMuzvinafundo Hanke here anoti Zimbabwe ndiyo yave ne inflation iri pamusorosoro pasi rose?

Muzvinafundo Elliot Masocha vanoti chingangove chokwadi kuti kukwira kwezvinhu muZimbabwe kwanyanyisa kudarika dzimwe nyika pasi rose dzakaita seVenezuela, vekuti mitengo yezvinhu iri kukwira zvakanyanya muzvitoro.

VaProsper Chitambara vesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vanoti pane nzira dzakawanda dzekupima nadzo inflation vachiti nekuda kwaizvozvo havazivi kuti inzira ipi yakashandiswa naMuzvinafundo Hanke kuti vazoisa Zimbabwe pamusoro penyika dzose.

Asi imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti kunyange hazvo inflation yakakwira munyika, vanopesana nemaonero ekuti zvingasvitsa kuisa Zimbabwe pachinhanho chepamusorosoro pasi rose.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi, VaRejoice Ngwenya, vanotiwo havabvumirani naMuzvinafundo Hanke pakuti inflation munyika yakakwira kudarika nyika dzepasi rose, asi vanoti, “Chandinobvumirana navo ndechekuti kana mitengo yezvinhu ichieteedzerana nemari yekunze mari yemunyika inoshaya hudzamu.”

Vaimbove mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vanoti Muzvinafundo Hanke munhu anozivikanwa nekupikisana nezvinhu zvakawanda.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi, VaLuxon Zembe,vanotiwo Muzvinafundo Hanke vanoshandisa mutengo wedhora rekuAmerica wepamusika mutema mukuita tsvakurudzo dzavo, ukuwo ZIMSTAT ichishandisawo mutengo wedhora rekuAmerica pamusika webhanga guru renyika, weReserve Bank of Zimbabwe.

Saka matambudziko aya angapedzwa sei? Muzvinafundo Masocha vanoti nyika inokwanisa kubuda chete kana yave kukwanisa kuzvigadzirira zvinhu zvayo ichizvitengesa munyika.

Kutambira kana kuramba kutambira zvakaburitswa naMuzvinafundo Hanke, matambudziko ekukwira kwemitengo yezvinhu acharamba arimo munyika kusvika pawanikwa nzira dzichaburitsa nyika kubva mumatope mairi mune zvehupfumi.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG