Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Chipiri, Chikumi, 07, 2022


Shona Headlines
Shona Headlines

Zimbabwe Energy Regulatory Authority yozivisa nezvekukwira zvakare kwemutengo wepeturu nedhiziri zviri kutarisirwa kuti zvichapawo kuti mitengo yezvinhu iite chamurambamhuru.

Tichaita hurukuro nenyanazvi munyaya dzezvehupfumi nekukwira kwemitengo uye mashoko aMuzvinafundo Steve Hanke vekuAmerica, ekuti Zimbabwe ndiyo yotungamira pasi rose pakukwira kwemitengo yezvinhu, kana kuti inflation.

Mapurisa anoti ari kushushikana nehuwandu hwevanhu vari kupondwa munyika, mukati memazuva masere adarika, vanhu gumi vapondwa.

Vamwe vagari vekuMasvingo vochema chema nezvakaitwa nekanzuru yavo zvekupa chirongwa chemudzimai wemutungamiri wenyika Amai Auxillia Mnangagwa mari dzavo dzemitero kunyangwe vagari vasina mvura yakachena uye marara asiri kutakurwa.

Muchirongwa cheThe Connection na8 pm, Ntungamili Nkomo weStudio 7 ari kuita hurukuro nevechidiki nezvekunonyoresa kuvhota kuti vasarudze vatungamiri nevamiriri vavanoda gore rinouya.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG