Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yorangarira Vanhu Mazana Mana neMakumi Maviri neVanomwe (427) Vakafa kuHwange Muna 1972


Zimbabwe nemusi weMuvhuro yakarangarira makore makumi mashanu kubva zvakafa vashandi vemumugodhi paKamandama kuHwange(Wankie Colliery shaft 2 muna 1972.

Vashandi mazana mana nemakumi maviri nevanomwe kana kuti 427 vakashaya pakaputika methane gas vari mumugoghi.

Musi wa 6 Chikumi gore roga roga, vanhu vanoungana panzvimbo yakaitikira njodzi iyi vachirangarira vakarasikirwa nehupenyu ava.

Gurukota rinoona nezvemigodhi VaWinston Chitando vachitaura vari kuHwange pahurongwa hwekurangarira vakafira mumugodhi ava vakati hurumende iri kudzika mitemo yekuona kuti nyika haizofa yakasangana zvekare nenjodzi yakadai.

Madzimai evashandi vakafa ava ari kugunun`una kuti havasi kubatsirwa nekambani iyi.

Madzimai akawanda ainge ari pahurongwa hwakaitwa neMuvhuro vakaudza vatori venhau kuti musi wekurangarirwa kwevafi kamwe chete pagore ndipo pavanopihwa nari shoma nemidziyo yekushandisa mumba yakaita sendiro nemakapu chete.

Muumiriri weHwange South mudare reparamende VaDanial Molokela vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti mhuri idzi dzibatsirwe uye kuti vanhu varambe vachirangarira vashakabvu ava.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG