Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vochema Doctor Alex Magaisa


Vaimbova chipanagazano chemututungamiri wehurumende mushakabvu Morgan Tsvangirai panguva yehurumende yemubatanidzwa uye vari nyanzvi munyaya dzezvemitemo, Doctor Alex Magaisa vashaya vari kuBritain.

Vanonzi vange vachirwara nechirwere chemoyo uye vashaikira kuBritain. VaMagaisa vaigara vachitaura zvakanyanya muzvirongwa zvedu zveStudio 7.

Vachinyora padandemutande ravo reTwitter, mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vati Doctor Magaisa vaive denho reruzivo asi vafa vasina kuona Zimbawe itsva yavaishuvira.

Mashoko aya atsinhirwawo nemutungamiri webato reNational Constitutional Assembly Muzvinafundo Lovemore Madhuku vati Doctor Magaisa ndiyo munhu chete wavaitarisira kuti anokwanisa kusimudzira kubva pamazera avo nyaya dzebumbiro remitemo. Mumiriri weHwange Central vari nhengo yeCCC VaDaniel Molokela vatiwo nyika yarasikirwa negamba.

Gweta, uye vari munyarikani weAfrican Union pakurwira kodzero dzevanasikana Amai Nyaradzi Gumbodzvanda vati vashushikanawo zvikuru nerufu urwu. Vati VaMagaisa aive munhu aigona kushanda nevamwe zvakanaka.

Doctor Magaisa vange vachidzidzisa mutemo paUniversity of Kent kuBritain. Vaizivikanwa nekunyorawo zvinenge zvichiitika munyika padandemutande reTwitter neMugovera kana kuti the Big Saturday Read.

Nyaya Ina Blessing Zul
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG