Accessibility links

Breaking News

Musangano weZvemigodhi Unopetwa kuVictoria Falls Mutungamiri weNyika VaMnangagwa vachikurudzira Kucherwa kweZvicherwa Kwakarongeka


Makambani akawanda anoita zvekuchera migodhi anonzi haasi kuzosiya avhara makomba aanenge akonzera.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vakurudzira vanoita zvemigodhi kuti vatsvage nzira dzekuchera nadzo zvicherwa dzakarongeka dzisingakanganisi nharaunda dzavanenge vachishandira.

Nhepfenyuro yeZBC inoti VaMnangagwa vataura mahoko aya kumusangano wemazuva matatu we2022 Chamber of Mines of Zimbabwe wepagore wapetwa kuVictoria Falls.

asi mukuru wesangano rinorwira kuchengetedzwa kwezviwanikwa, reCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti mashoko emutungamiri wenyika aya akanakana chose asi ivo semutungamiri vanofanirwa kutora matanho anobatika, anoita kuti zvavanenge vataura zvibatike.

VaMaguwu vanoti zvakakoshawo zvikuru kuti vanochera zvicherwa vange vachionekwa kuti vasiya nzvimbo dzavanenge vashandira dzakagadziridzwa, vachiti izviri kukundikana kuitwa nekuda kwekuti vazihinji vari kuchera migodhi makorokoza asineyi nekutevera mitemo inosungira kuti nzvimbo dzichengetedzwe.

Hurukuro naVaFarai Maguwu
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG