Accessibility links

Breaking News

Makambani Anobika Chingwa Anokwidza Mutengo weChingwa Achipomera Kukwirawo kweMutengo weFurawa


Mutengo wechingwa wakwidzwa nevanobika chingwa vachiti zvakonzerwa nekukwira kwemutengo wefurawa. (Columbus Mavhunga/VOA)
Mutengo wechingwa wakwidzwa nevanobika chingwa vachiti zvakonzerwa nekukwira kwemutengo wefurawa. (Columbus Mavhunga/VOA)

Makambani anobika chingwa munyika akwidza mutengo wechingwa achiti mutengo weflour nezvimwe zvinoshandiswa mukubika chingwa zvakwira.

Makambani aya anoti hapana zvaangaite kunze kwekukwidzawo mutengo kuti arambe achishanda.

Muchiziviso chayo kuvatengi, imwe kambani inobika chingwa yati chingwa chayo chinodyiwa nemunhu wese icho chaihodhwa neRTGS$404.50 chichitengeswa neRTGS $453 00, chave kuhodhwa neRTGS$559.50 chichitengeswa neRTGS$626.60.

Mutengo uyu unosiyana zvishoma zvichienderana nekuti chingwa ichi chiri kutengeswa papi uye kuti ndiyani ari kutenga.

Semuenzaniso, mutengo unodzika kana ari makambani anoita zvekuviga vafi ari kuhodha kana kutenga chingwa.

Mutungamiriri wesangano rinomirira vanobika chingwa reNational Bakers Association of Zimbabwe, VaDenis Wala vaudza Studio7 kuti mutengo wechingwa uri kukwira nekuda kwezvirikuitika muhupfumi hwenyika.

Vatiwo zvinogadziriswa chingwa zvakakwira uye ivo havana zvavangaita kunze kwekukwidzawo mutengo kuti varambe vachishanda.

Vatiwo kunze kwekukwira kwe flour, zvimwe zvakaita semagetsi zviri kukwirawo izvo zvinokwidzawo mutengo wechingwa.

Vachipindura mubvunzo wekuti flour yacho iri kuwanika here, VaWala vati pari zvino chingwa chicharamba chichiwanikwa.

Mutungamiriri wesangano rinomirira vane zvitoro reConferderation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vaudza Studio7 kuti kukwira kwemutengo wechingwa nezvimwe hakufadzi asi hapana zvavangaita nekuti kukwira kwemuteno wechingwa kwanyanya kukonzerwa nehondo yeRussia neUkraine, uko kunobva gorosi rakawanda.

VaMutashu vatiwo kushaya simba kwemari yemuno ndiko kuri kukonzera kukwira kwemutengo yezvinhu izvo zvavewo kuomesera vemabhizimisi.

Mumwe mugari weHarare, Amai Euphrasia Matongo, vaudza Studio 7 kuti vakatosiyana nekudya chingwa nekuti havachakwanisa kuchitenga.

Hatina kukwanisa kutaura nemutungamiriri weGrain Millers Association of Zimbabwe, VaTafadzwa Musarara kuti tinzwe kuti vanokwanisa kuunza gorosi rinoita kuti vanhu varambe vachiwana chingwa munyika here sezvo nharembozha yavo yange isiri kuita.

Asi vakaudza Voice Of America nguva pfupi yapfuura kuti pane gorosi rakatengwa neZimbabwe riri kuMariupol, kuUkraine, riri kutadza kuuya nekuda kwehondo iriko.

Vanoongorora nyaya dzehupfumi vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti hurumende ione zvaingaite panguva ino kuti vanhu varambe vachiwana chingwa sezvo chichidyiwa mazuva ose.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo gurukota rinoona nezvemabhizimisi nemaindasitiri Amai Sekai Nzenza vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Zvichakadai African Union yakumbira European Union kuti pazvirango zvairi kutemera Russia irege gorosi nechikafu zvichifamba kuti nyika dzemuAfrica dzisaite nzara nekuda kwehondo yeRussia neUkraine.

Hondo iyi yapinza nzara munyika zhinji pasi rese sezvo Ukraine neRussia dzichirima zvikamu makumi mana kubva muzana zvechikafu chinodyiwa pasi rese.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG