Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeChitungwiza Yochemachema neKushayikwa kweMabhini neMotokari Dzinotakura Marara muDhorobha Iri


Chitungwiza
Chitungwiza

Kanzuru yeChitungwiza inoti kushayikwa kwemabhini nemotokari dzinotakura marara kuri kukonzera kuti itadze kutakura marara mudhorobha iri zvave kupa kuti vagari vatyire hutano hwavo.

Vagari vemuChitungwiza nhasi vaungana panzvimbo yemabhizimusi paMakoni muChitungwiza pavasiya vatsvaira nekutakura marara vachishanda pamwechete nevashandi vekanzuru yedhorobha iri senzira yekucherechedza zuva rakatarwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa rekuti Chishanu chekutanga chemwedzi wega-wega vanhu vanofanira kuchenesa nzvimbo dzavagere.

Vachitaura neStudio 7 pachiitiko ichi, mushandi mukuru wekanzuru yeChitungwiza anoona nezvehugari nehutano hwakanaka, kana senior environmental health officer, VaTongai Regis Mukomondera, vati kanzuru yavo iri kutadza kutakura marara nguva nenguva sezvo vachiti havana zvikwanisiro zvinoita kuti vaite basa ravo nemazvo.

VaMukomondera vati havana mabhini anokwanira veruzhinji kuti varasire marara pamwe nemotokari dzekutakurisa marara aya. Vakumbirawo hurumende kuti ikurumidze kuvapa mari dzebudiriro mumatunhu kana kuti devolution funds pamwe nevemabhizmusi akazvimirira kuti vavabatsirewo kuitira kuti kanzuru yavo ikwanise kugara ichitakura marara nguva dzose.

Asi mutungamiri wesangano rinomirira vagari vemuChitungwiza reChitungwiza Residents Trust, Muzvare Diana Alice Kuvheya, vatiwo chinonyanyovarwadza sevagari ndechekuti vari kubhadhara mitero yavo kukanzuru asi kanzuru ichigara yakavapa zvichemo zvisingavagutse.

VaMukomondera vakurudzira vagari vemuChitungwiza kuti vasarasire marara pose pose vachiti izvi zvinovapa basa rakawanda sekanzuru iyo mari yavari kutora muvagari isiri kuvakwanira kuti vagozochenesa dhorobha iri.

Mumwewo mugari wemuChitungwiza, Amai Mercy Mukandi, vakurudzirawo vagari vemuChitungwiza kuti vatorewo matanho ekuona kuti pose pavagere pakashambidzika.

Zvichakadaro, mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga, avo vanga vachifanira kunge vari paMakoni panga pachiitwa chirongwa ichi havana kuzoenda kunyange hazvo vazoenda kunotsvaira kuAvondale.

Ukuwo, VaMnangagwa vatungamirawo chirongwa ichi nekutsvaira kuVictoria Falls, uye chirongwa chekuchenesa nzvimbo ichi chapindawo kunzvimbo yemabhizimusi yeDema kumaruwa ekwaSeke.

Nyaya ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG