Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeBato reMthwakazi Republic Party kuBulawayo Dzotongerwa Kugara Mujeri kweMwedzi Inodarika Makumi Matatu


Mthwakazi Republic Party.

Nhengo nomwe dzebato reMthwakazi Republic Party dzatongerwa kugara mujeri kwemwedzi makumi matatu nemitatu panguva iyo dzimwe mbiri dzapiwa mutongo wemwedzi makumi matatu nemitanhatu.

Izvi zvinotevera kuwanikwa kwenhengo idzi dziine mhosva yekuita zvemhirizhonga mushure mekunge dzapinda nechisimba mukamba yemapurisa yeBulawayo Central Police Station dzichinyunyuta nekwadzaiti kushungurudzwa nemapurisa kwemutungamiri webato iri VaMqondisi Moyo mushure mekunge mapurisa apinda nekusecha mumba mavo humwe husiku gore rapera.

Mutongi wedare ramejasitiriti muBulawayo VaSangster Tawengwa nemusi weChina vakanga vatongera vapfumbamwe ava kuti vashande mabasa ekubatsira nharaunda, kana kuti community service, asi vanonzi vazoshandura mutongo uyu vachiti pakaita kupesaniswa kwemapepa edare.

Vapfumbamwe ava vanonzi vakapedza mwedzi yakawanda vari muhusungwa umo vanoti vakakuvadzwa mushure mekurohwa zvakaipisisa.

Gweta ravo, VaKwanele Mbongeni Nxumalo vaudza Studio 7 kuti vasungwa ava vakambenge vari kunze kwegore rose radarika mushure mekubhadhariswa mari yechibatiso, asi vakazonzi vamirire kutongwa vari muchitokisi svondo rapera.

Vati vachapikisa mutongo uyu, uyo wapiwa paine mapurisa akawanda anosanganisira anodzivirira mhirizhonga pamwe nemotokari dzemauto panze pematare.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG