Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Vanovhura Musangano weZvicherwa kuVictoria Falls Vachikurudzira Kukwenenzverwa kweZvicherwa


President Emmerson Mnangagwa at ZITf 2022
President Emmerson Mnangagwa at ZITf 2022

Mutungamiri wenyika VaEmerson Mnangagwa vavhura musangano wezvezvicherwa we2022 Chamber of Mines of Zimbabwe Annual General Meeting and Conference kuVictoria Falls.

Musangano uyu, uyo wakatanga nemusi weChina, wapindwa nemakurukota nevakuru vemakambani ezvezvicherwa vemunyika nevekunze kwenyika.

Vachitaura pamusangano uyu, VaMnangagwa vaudza nhengo dzemubatanidzwa wenyika dzinochera ngoda muAfrica, reAssociation of African Diamond Producing Countries (ADPA) pamwe nedzesangano reCouncil of Ministers vachiti nyika dzemuAfrica dzinofanira kubatsirana kuti dzigone kutengesa zvicherwa zvadzo zvakwenenzverwa senzira yekuwedzera kukosha kana zvotengeswa kunze kuitira kuti zvigotengwa nemari iri pamusoro.

Vachitaurawo kumusangano uyu nemusi weChina, mukuru wesangano reChamber of Mines, VaIsaac Kwesu, vakati vakaronga zvese zvinodiwa kuti musangano uyu ufambe zvakanaka.

Vamwe vakuru vemasangano ezvicherwa ekunze kwenyika vanga varipowo pamisangano iyi vachitaurawo mafambisiro avanoita zvezvicherwa kunyika dzavo.

Asi Vashandi vemumigodhi vanoti havasi kuwana chouviri pazvicherwa zvenyika yavo sezvo vachingononga svosve nemuromo chero vachishanda zvakaomarara.

Mukuru we sangano rinomiririra vashandi vemumigodhi reNational Mines Workers Union of Zimbabwe, VaJambangwe Nomboka, vanoti vashandi vemumigodhi vari kutambiriswa mihoro nemari yemunyika yema RTGS iyo isina chaichatenga saka vanoda kuti vatambiriswe mari yekuAmerica kuti hupenyu hwavo hureruke.

Hurukuro na VaJabangwe Nomboka
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG