Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Yosendeka Parutivi Chibvumirano CheNzvimbo Yekurasirwa Marara yePomona


VaJacob Mafume
VaJacob Mafume

Kanzuru yeHarare nemusi weChina yakagara dare rakakosha kana kuti “special council” ikabuda nechisungo chekuti ikanzure chibvumirano chayaamboia chekupa kambani yeGeoGenix BV basa rekugadzirisa nzvimbo inorasirwa marara yePomona.

Chibvumirano ichi ndechemari inodarika mamiriyoni mazana matatu nemakumi mana nemana kana kuti US$344 million.

Kambani iyi inonzi inofanira kuvaka nzvimbo yekugaya magetsi nezvimwe kuPomona yoshanda kwemakore makumi matatu isati yadzosera nzvimbo iyi kukanzuru yeHarare.

Kanzura weWard 16, Harare West VaDenford Ngadziore vatsinhira kuti vatora chisungo ichi nhasi. Vati paumbwa komiti yekuona kuti chibvumirano ichi chakafambiswa sei uye pachatorwa matanho api kana ongororora iyi yapera.

Vaive vakabata chigaro chameya muHarare VaStewart Mtizwa vaudza Studio 7 kuti vari kuda kuti chibvumiranwe chisatevedzerwa vanofanira kuuya negwara rekuti poitwa sei.

Asi vachipawo pfungwa dzavo, mukuru werimwe sangano revagari reHarare Residents Trust VaPrecious Shumba vati chibvumirano ichi hachina kunakira vagari.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remumwe mukuru wekambani yeGeoGenix BV VaDelish Nguwaya sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Gurukota rezvematunhu VaJuly Moyo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi mumagwaro avo kudare zvichitevera kupikiswa kwenyaya iyi nemumiriri weHarare North, VaAndrew Markham, VaMoyo vakati vanotsigira chibvumirano chePomona vachiti, kambani yeGeorgenix yakevedza zvese zvinodiwa payakauuya munyika kuzoshanda nekanzuru nehurumende.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG