Accessibility links

Breaking News

VeCCC neZanu PF Vopesana Maonero paGwaro reCouncil on Foreign Relations Rinoti Harione reMangwana Rakajeka muZimbabwe


Sangano reCouncil on Foreign Relations isangano rinoshanda rakazvimirira.
Sangano reCouncil on Foreign Relations isangano rinoshanda rakazvimirira.

Sangano rinoongorora zvematongerwo enyika rakazvimirira riri muAmerica, reCouncil on Foreign Relations, rinoti kuoma kuri kuramba kuchiita magariro evanhu muZimbabwe, zvematongerwo enyika pamwe nezvehupfumi munongedzo wekuti remangwana renyika harina kujeka.

Mugwaro rarakaburitsa neChitatu, sangano riri mu New York iri rakati kukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti inflation, nzara yakabata chikamu chapakati nepakati chevanhu munyika, kushungurudzwa kwevatori venhau pamwe nevanopikisa uye kumbunyikidzwa kwemasangano akazvimirira kuburikidza nemutemo uri kuda kudzikwa unobata mashandiro awo, ndezvimwe zvezvinhu zvichakanganisa mamiriro ezvinhu munyika.

Izvi zviri kuuyawo panguva iyo vemapato anopikisa vari kuti vari kushungurudzwa nehurumende pamwe enbato riri kutonga reZanu PF, kunyange hazvo hurumende pamwe neZanu PF vachiti vari kungosvibiswa pasina chavakanganisa.

Zimbabwe iri kutarisirwa kuita sarudzo mugore rinouya, idzo vamwe vanoongorora sarudzo nezvematongerwo enyika vari kuti dzinogona kukanganiswa nemhirizhonga.

Gwaro iri rinotsinhirwa nenhengo yebato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change muAmerica, VaTim Muringai, avo vanoti zvose kutaurwa neCouncil on Foreign Relations ndizvo chaizvo zviri kuitika muZimbabwe, zvinove zviri kumbunyikidza pamwe nekutyora kodzeroi dzevanhu.

Asi sachigaro veZanu PF mudunhu reNorth America, VaRegis Charumbira Vusango, vanoti gwaro iri rakarerekera divi rimwechete, zvinove zvinoratidza zvoga kuti harisi kutaura chokwadi chezviri kuitika muZimbabwe nekusiya kuratidzawo zviri kugonekwa nehurumende.

VaVusango vanoti chinangwa chavaona pagwaro iri ndechekuti rakanangana nekuda kushandura hurumende, kana kuti regime change.

Asi VaMuringai vanopokana nemaonero AVaVusango aya vachiti kushandurwa kwehurumende kuri kutokonzerwa neZanu PF, iyo yavanoti iri kutadza kutonga nyika zvakanaka.

Hurukuro naVaRegis Charumbira Vusango pamwe naVaTim Muringai
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG