Accessibility links

Breaking News

Hurumende neKanzuru yeHarare Zvoramba Zvichitatsurana neNyaya yeKunorasirwa Marare kuPomona


Harare litter
Harare litter

Kanzuru yeHarare yotarisirwa kuita musangano wechichimbi nhasi kuti imise chibvumirano chakaitwa nekanzuru nekambani yeGeorgenix BV chekuti kanzuru ibhadhare kambani iyi mazana maviri nemakumi mana emamiriyoni emadhora kuti irase marara kunzvimbo yePomona.

Izvi zvinotevera kuchema chema chema kwevagari pamwe nemasangano akasiya siyana. Sangano reCommunity Water Alliance raendesa gwaro renyunyuto kuna Meya weHarare, VaJacob Mafume vachiti kanzuru inofanira kumisa chibvumirano cheGeorgenix vachiti hachina zvachinobatsira vagari asi kuti chinotovaomesera

CWA yaendesawo gwaro renyunyuto kuparamende richiti inofanira kuongorora kuti chibvumirano ichi chakaitwa sei uye kuti chinobatsira here panyaya yebudiriro muHarare.

Imwe nhengo ye CWA, VaChristopher Gohori vaudza Studio 7 kuti zvingave nani kuti kanzuru yeHarare irambe ichishanda yoga pane kurasikirwa nemari yakawanda kudai.

Pasi pechibvumirano ichi, kanzuru yeHarare ichatanga ichibhadhara Georgenix zviuru makumi maviri nezviviri zvemadhora ekuAmerica pazuva mugore rekutanga, zviuru makumi maviri nezvitanhatu mugore rechipiri uye mari iyi inoramba ichikwira gore rega rega.

VaGohori vanoti kana chibvumirano ichi chikaramba chiripo zvinoreva kuti mari yese inowanikwa kubva kumitero inenge yavekuenda kuGeogenix.

Mukuru CWA , VaHardlife Mudzingwa vaudza Studio7 kuti vanodawo kuti paramende iongorore chibvumirano ichi.

Asi kunyange hazvo paine kugunun'una kubva kuvagari, hurumende iri kutsigira chibvumirano chePomona uye gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa vakazivisa kuti chirongwa chekuPomona chinokosheswa nehurumende zvekuti chakapihwa ruremekedzo rweNational Project Status zvichiereva kuti kambani iyi ienge yonzi ishande nemamawe maguta munyika.

Asi VaMafume vati hurumende haigoni kupaNational Project Status pabhizimisi remumwe munhu.

Hatina kukwanisa kutaura naAmai Mutsvangwa kuti vati tsanangurire kuti sei hurumende yakapa National Project Status kunyange hazvo painge pasina kusafara kubva kune vagari nemamwe makanzura.


Mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko mubato reZanu-PF VaTafdzwa Mugwadi vaudza Studio 7 kuti hapana chakaipa pachibvumirano ichi.

Chibvirano cheGeorgenix chakasainwa nekanzuru yaitungamirwa naVaStewart Mutizwa veMDC-T apo VaMafume vaive vakamiswa basa negurukota rezvematunhu, VaJuly Moyo.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuNaVaMtizwa sezvo nharembozha yavo yange isiri kuita.

Hatinawo kukwanisa kunzwa kubva kunaVaMoyo. VaDelish Nguwaya vane chikamu mukambani yeGeorgenix vati vange vasingakwanise kutaura sezvo vange vari mumusangano

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG