Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzinoti VaNcube Havakwanise Kumisa Makambani Kutenga Mari PaMukoto


Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanoti hurumende ichatora matanho kuona kuti mari dziri kupihwa vanhu zvichinzi nyika inovakwa nevene vayo haipedzisire dzaenda kunotengeswa pamukoto.

VaNcube vakataura mashoko aya nezuro pakapera musangano wedare remakurukota nemusi weChipiri.

Mari iyi iri kuendeswa mukugadzira zvivakwa. Asi vakawanda vanoti vemakambani aya vakangopihwa mari vanobva vaiendesa kumusika mutema kunotenga madhora ekuAmerica. Hurumende yange ichimboramba izvi ichiti vemakambani ndivo vari kupa kuti musika wemukoto upfumbire.

Asi vemakambani vanoti mitemo yehurumende ndiyo iri kupa kuti kuti zvinhu zvisagadzikane munyaya dzezvehupfumi.

Mutungamir wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti zvakakosha kuti vana veZimbabwe vavake nyika yavo voga.

Asi nyanzvi munyaya dzehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanoti havaone zviri kutaurwa naVaNcube zvichibudirira sezvo zvichinetsa kuziva zvinoitwa nevanhu kana vabata mari.

Hurukuro naMuzvinafundo Gift Mugano
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG