Accessibility links

Breaking News

VaKennedy Bumhira, Voshandisa Hunyanzvi Hwavo hweMabasa eMaoko Kuburikidza neKambani Yavo yeKennixWorld kuCanada


Chizvarwa cheZimbabwe, VaKennedy Bumhira, vanove mukuru wekambani inoita mabasa emaoko yeKennixWorld iri kuCanada.
Chizvarwa cheZimbabwe, VaKennedy Bumhira, vanove mukuru wekambani inoita mabasa emaoko yeKennixWorld iri kuCanada.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kunze kwenyika zvinoshanda mabasa ekubairwa zvitupa mumakambani agara aripo kare kana achangotanga.

Asi kune chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri kuEdmonton mudunhu reAlberta kuCanada, VaKennedy Bumhira, ivo ndivo vari kutobaira vamwe zvitupa vachivapinza mabasa.

VaBumhira, avo vakabva kuZimbabwe makore makumi maviri nematatu adarika, vakatanga kambani yavo yeKennixWorld makore anodarika gumi adarika, iyo yakura zvekuita mabasa akasiyanasiyana kubva kune ekuvaka kana kugadziridza dzimba, kudyara nekugadziridza tsangadzi nezvivanze nemamwe mabasa ose emaoko.

Vanoti hunyanzvi hwavari kushandisa mukuita mabasa avo ose vakahudzidzira vachiri kuchikoro, uko vakadzidziswa zvekuveza. Asi vanoti havana kumbobvira vafungidzira kuti vangazoshandisa ruzivo rwavo urwu mukuraramisa mhuri pamwe nekutowanisawo vamwe mabasa.

VaBumhira, avo vanove zvakare murongi wemitambo yakaita semichato uye vari mushamarari mumichato nemumabiko, vane rimwe basa ravanoitawo ivo kwavakabairwa chitupa kunyange hazvo ivo vaine kambani yavo iyi, uko vakabairawo vamwe zvitupa.

VaBumhira, avo vane makore makumi mana nemana ekuberekwa, vakaberekerwa kwaMurehwa asi vakazokurira kuChitungwiza. Vane mudzimai, Amai Fidelle Bumhira, avo vavane vana vana navo, vasikana vatatu nemukomana mumwechete.

Vanoti vanowana rutsigiro rwukuru kubva kuna amai vavo nekumhuri yavo uyewo kubva mushoko dzvene.

VaBumhira vanoti vane hurongwa hwekuti rimwe zuva vazonoita mabasa avari kuita kuCanada aya vari kumusha, asi pari zvino vari kumbotarisana nekukudza pamwe nekusimudzira kambani yavo vari kwakare kuCanada.

Hurukuro naVaKennedy Bumhira
please wait

No media source currently available

0:00 0:07:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG