Accessibility links

Breaking News

'"VaJuly Moyo Vari Kushungurudza Meya weVanhu"-VaMafume


Meya Jacob Mafume

Mutongi wedare repamusoro VaJoseph Mafusire neChipiri vakapa mutongo wekuti gurukota rinoona nezvematunhu VaJuly Moyo vasarambe vachimisa basa meya weHarare VaJacob Mafume.

Vachitaura neStudio 7 mushure mekunzi vadzokere kubasa, VaMafume vakati, "VaMoyo vari kushungurudza meya wevanhu nekuti zvavari kuita hazvina nematuro ose"

Hatina kukwanisa kubata VaMoyo kuti tinzwe divi ravo sezvo munhu akadaira nharembozha yavo akaudza Studio 7 kuti vainge vakabatikana.

VaMoyo vari kupomera VaMafume mhosva yekuita zvehuori uye vavamisa basa kanokwana kana kutanga musi wa23 Zvita, 2020, Ndira 22, 2021, Gunyana 14 na Zvita 17, 2021.

VaMoyo vakanzi ndivo vanofanira kubhadhara mari dzose dzedare uye vakanzi vasarambe vachimisa VaMafume basa vachivapomera mhosva imwe chete.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG